Accessibility links

Breaking News

Mutauriri weZimbabwe People First VaMawarire Vopomerwa Mhosva yeKutyora Mutemo wePost and Telecommunications Act


Vatsigiri vebato reZimbabwe People First rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru.
Vatsigiri vebato reZimbabwe People First rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru.

Mutauriri webato rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru reZimbabwe People First, VaJealousy Mawarire vanoti vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo wekufambiswa kwemashoko wePost and Telecommunications Act, vachinzi vakatuka gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathana Moyo.

VaMawarire vaziviswa nezvemhosva yavanonzi vakapara iyi mushure mekunge vazvipira kumapurisa edivi reLaw and Order paHarare Central Police Station nhasi mangwanani. VaMawarire vanoti vari kupomerwa mhosva yekutyora Section 88 (b) yeChapter 22.05 chemutemo wePost and Telecommunications Act mushure mekunge vapindura mashoko aVaMoyo patwitter.

"Izvi zviri kubva panyaya yandakabvunza Jonathan Moyo, nekuti Moyo anoshandisa twitter yake kutuka vepamapato anopikisa, vatinoti vaya opposition party. Saka akanga achituka Amai Mujuru, achituka vananaMutasa, achiti Zimbabwe Poeple First ine vanhu vatingati vane huwori, saka ini ndopandakamubvunza kuti ko iwe, une nyaya iri kuferefetwa yekutengesa kwawakaita Kingston building naMukucha, ende mukatadza kutsanangura kuti 114 000 (dollars) yakaenda kupi," VaMawarire vanodaro.

Vanoti havana kupiwa zuva ravachamiswa pamberi pematare sezvo mapurisa avaudza kuti vachine zvimwed zvavari kuongorora.

hurukuro naVaJealousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG