Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai muZanu PF Otarisirawo Zvigaro Zvepamusoro


Madzimai eboka remadzimai reZanu PF Women's League
Madzimai eboka remadzimai reZanu PF Women's League

Mubato reZanu PF madzimai anoonekwa nepakasiyana. Vamwe vanoti madzimai ane simba zvikuru asi vamwe vachiti vanongoshandiswa asi vasina zvigaro zvepamusoro.

Amai Joice Mujuru, avo vakadzingwa mubato reZanu PF muna 2014 ndivo mudzimai wekutanga mubato iri akaita chigaro chepamusorosoro apo vakasarudzwa kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika muna 2010.

Amai Mujuru ndivo vainge vasvika pedyo pedyo nekutungamira nyika pamwe nebato reZanu PF.

Asi vamwe vanoti madzimai pachezvavo vachitungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ndivo vakatsikana konzi.

Amai Mugabe vakatenderera nyika yose vachishora zvikuru Amai Mujuru vachivapomera mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nechisimba.

Asi Amai Mujuru vanoti nyaya yekuti vaida kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba ndeyemugotsi matsuro.

Kunetsana uku kungareve here kuti madzimai ave ekungotamba kongonya mubato reZanu PF?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kunyangwe zvazvo madzimai ari munyaya dzematongorwo enyika awedzera huwandu pamwe nekuva nezvigaro uye zvakare bumbiro remutemo richipa mikana yakaenzana kuvanhurume nevanhukadzi munyaya dzezvematongerwo enyika, vanhukadzi vari mubato reZanu PF vanoti pachine mutambo kuti kuenzaniswa kunyatsozadzikiswa.

Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, vanove gurukota rinoona nezvezviwanikwa uye vakambotungamirira boka remadzimai reZanu PF vanoti vanhukadzi vakakoshera musangano pamwechete nehurumende vakati pasina vanhukadzi, nyika inoparara.

Oppah Muchinguri-Kashiri
Oppah Muchinguri-Kashiri

Vanotiwo vanhukadzi ndivo vanoziva kugadzirisa matambudziko ari munyika.

Amai Muchinguri-Kashiri vanotiwo vanhukadziwo vanofanira kuzvikoshesa vachiti havafanirwi kuzongoonekwa vachingopururudza nekuimba kumisangano yezvematongerwo enyika.

Kumisangano yeZanu PF mizhinji, vanhukadzi ndivo vanenge vakawandisa uye vanozivikanwa nekushaura nziyo nekutamba.

Mai Muchinguri-Kashiri vanotiwo matunhu anomirirwa nevanhukadzi mudare reparamende akabudirira zvikuru kupinda anotungamirirwa nevanhurume.

Amai Edna Madzongwe vanova mutungamiri wedare remaseneta vanoti Amai Mugabe, vanove mutungamiri webazi reWomens’ League, vari kukurudzira madzimai kuti atore zvigaro zvepamusoro.

Mashoko aya anotsinhirwawo naAmai Monica Mutsvangwa vanoti bato ravo rine mitemo yakawanda inokurudzira madzimai.

Sachigaro wekomiti yezvematunhu mudare reparamende Amai Irene Zindi vanoti kubva kare madzimai agara achitungamira mabasa mubato reZanu PF.

Dr Charity Manyeruke, mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe uye vari muhutungamiriri hweboka revanhukadzi kuMashonaland East muZanu PF vanoti madzimai ari kuratidza hutungamiriri hwavo kuburikidza nekubatsira mukuvaka mitemo pamwe nezvirongwa zvehurumende.

Amai Manyeruke vanowedzerawo kuti vanhukadzi mubato reZanu PF vari kubatsirawo bato riri kutonga mukuburikidza nehurongwa hwebudiriro, vakati madzimai eZanu PF ari kuumba nyika.

Amai Martha Munondo vanova munyori mukuru wezveminda kudunhu reMashonaland West vanoti kunyangwe zvazvo madzimai ave kupiwawo zvigaro kuburikidza nemitemo iriko, vanoti hutungamiriri hwechidzimai huchiri hushoma zvikuru.

Vanopa muenzaniso wekuti basa rekuva gurukota rezvematunhu rinopihwa vanhurume kunyanya.

Amai Manondo vanoti kunyangwe vachida kuti madzimai apihwe zvigaro zvepamusoro, kudoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika ibasa rinofanira kuitwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Imwe nhengo yechikwata chinoimba cheBindura Chimurenga vanoimba nekutamba pamisangano mizhinji vakataurawo kuti kunyangwe zvazvo vachitsigira kusimudzirwa kwevanhukadzi vanoti pari zvino zvigaro zvekumusorosoro zvinofanirwa kumboramba zvine vanhurume.

Vanoti madzimai anotengesa musangano.

Asi madzimai eWomen’s League ave kuyedza zvekare kuti bumbiro remutemo webato rivandudzwe zvekare kuti paitewo mudzimai muhutungamiri kana kuti Presidium.

Izvi zvakanga zvabviswa pakadzingwa Amai Mujuru pachigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Nyika dzakawanda dzakabudirira pasi rino dzakaita vatungamiri vechidzimai kusanganisirawo dzimwe nyika dzemuAfrica.

MuAmerica, vakawanda vanofunga kuti Amai Hillary Clinton vanogona kukunda musarudzo dziri kuita munyika iyi kuti vave mutungamiri wechidzimai wekutanga kutungamira nyika iyi.

Mubvunzo une wakawanda ndewekuti izvi zvingakwanisika here muZimbabwe.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG