Accessibility links

Breaking News

Boka reMadzimai eZANU PF Roramba Kuti Rinoda Kutsiva Mumwe Mutevedzeri weMutungamiri weBato neMudzimai


Seguidores del presidente interino de Venezuela, Juan Guaidó salieron a las calles este miércoles 1 de mayo. 
Seguidores del presidente interino de Venezuela, Juan Guaidó salieron a las calles este miércoles 1 de mayo. 

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti kutseketuka kwoitwa neboka remadzimai muZanu PF panyaya yekuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato ange ari munhukadzi mucherechedzo wekuti bato rakaona kuti rave kuparadzwa nezvipoka zviri kurwira masimba.

Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vanotungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute vanoti kubva pakadzingwa Amai Joice Mujuru mubato reZanu PF, vamwe mubato iri vanga vachirwisa kuda kudzinga mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangwagwa.

Doctor Ruhanya vanoti kuratidzira kuri kuitwa nemapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira ndizvo zvakaita kuti Zanu PF imbosendeka nyaya yekubatana pahuro yomboda kunangana nemuvengi mumwe chete.

Doctor Ruhanya, vanoti vamwe muZanu PF vanga vachirwisa kuti vazhinji vevakarwa hondo vadzingwe asi mutungamiri webato VaRobert Mugabe vanogona kunge vakazviramba vachityira kuti vakuru vechiuto nevasori vanogona kupokana nazvo vachitsigira vanhu vakaita saVaMnangagwa nevamwe.

Boka reZANU-PF Womens League gore rapera rakasimudza nyaya yekuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato anofanirwa kunge ari munhukadzi, rakakurudzirawo kuti bumbiro remitemo yebato rivandudzwe kuitira kupa mukana uyu kumadzimai.

Asi neChishanu chapfuura sachigaro weboka iri uye vari mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vakati kuvandudzwa kwebumbiro remutemo webato iri hakureve kuti madzimai anoda kuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika abviswe pachigaro.

Mashoko aibva mubato reZanu PF ainongedza kuti boka remadzimai iri raida kuti VaMnangangwa vabviswe pachigaro.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG