Accessibility links

Breaking News

Vabvakure Vooneswa Chitsvuku muSouth Africa


Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvichiratidzira muSouth Africa
Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvichiratidzira muSouth Africa

Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kurwiswa kwevekunze mumusha weMamelodi uri muPretoria neChipiri usiku.

Kurwiswa uku kunotevera kuparadzwa kwemabhizimusi, dzimotokari pamwe nedzimba dzezvizvarwa zvekune dzimwe nyika kwakatanga mumusha weRosettenville uri muJohannesburg masvondo maviri adarika.

Mukuru werimwe sangano rinobatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi reZimbabwe exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba, vanoti kurwiswa kwevanhu muJohannesburg kwakanyanya kunangana nezvizvarwa zvekuNigeria zvaipomerwa mhosva yekutengesa zvinodhaka pamwe nechipfambi.

Asi vanoti kurwiswa kwakaitika kuMamelodi kwakanga kwakanangana nechero munhu asiri chizvarwa cheSouth Africa.

Zvitoro zvezvizvarwa zvekuEthiopia, Somalia neNigeria ndizvo zvinonzi zviri kunyanya kuparadzwa, zvinhu zvichibiwa.

Vagari vemuPretoria vanonzi vari kuronga kufora neChishanu vachiratidzira vachiramba vanhu vekune dzimwe nyika.

Asi zvinonzi mapurisa anyima mvumo vanhu ava kuti varatidzire, kunyange hazvo vari kunzi vati vachangoratidzira zvakadaro.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakakurudzira zvizvarwa zvenyika yavo kuti zvigarisane nevabvakure ava murunyararo.

Zvinonziwo hurumende yeNigeria iri kuronga kukwidza nyaya iyi kusangano reUnited Nations ichinyunyuta nekushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvayo.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG