Accessibility links

Breaking News

Guta reMasvingo Rotarisana neDambudziko reMvura yeKushandisa


Dhamu rinowanisa mvura guta reMasvingo reMtirikwi rinonzi radzikawo mvura semamwe madhamu ari munyika
Dhamu rinowanisa mvura guta reMasvingo reMtirikwi rinonzi radzikawo mvura semamwe madhamu ari munyika

Kuderera kwehuwandu hwemvura mumadhamu anowanisa vagari vemuguta reMasvingo mvura yekushandisa kwave kuita kuti vagari vemudhorobha iri vatyire kupararira kwezvirwere zvemanyoka.

Dhorobha reMasvingo ratarisana nedambudziko remvura sezvo mvura yemudhamu reMtirikwi, kunove kunobva mvura inoshandiswa nevagari, yadzikira kusvika pazvikamu zvino darika zvishoma zvinomwe kubva muzana.

Meya weGuta reMasvingo, VaHubert Fidze vakaudza vagari svondo rino kuti guta rasara nezvikamu zviviri chete kubva muzana zvemvura yekushandisa nekuti mutemo hauvabvumidzi kuzotora mvura kana kwasara zvikamu zvishanu kubva muzana, panguva iyo denga rarambira nemisodzi yaro inofanirwa kuwedzera mvura muna Mtirikwi.

Izvi zvinoreva kuti dhorobha rasara nemwedzi mishoma kuti richirega kushandisa mvura yemudhamu iri iyo inofanira kusiirwa zvipuka zvinogara mumvura kana yavashoma.

VaFidze vakati dhorobha reMasvingo razotarisana nedambudzkio rakaoma uye havana zano rakanyatsoti kwesere mvura ikasanaya nekukurumidza.

"Mamirire akaita zvinhu haana kumira zvakanaka muMasvingo, mvura yava pa 7.5% saka mvura ikasanaya tichasanga nedambudziko rakakura zvikuru, sezvaivapo kare mvura inenge yakuvharwa kana yasvika pa 5% yosarira zvipuka zvemumvura."

Vagari vanoti vapindwa nekutya kukuru apo vari kutonetseka kare nekuwana mvura iyo inongouyiswa kwenguva pfupi pazuva.

Muparidzi Tapfumaneyi Zenda mugari wekwaMucheke, vanoti mashoko ari kubuda anotyisa zvikuru uye vanotyira kuti mvura ikashaikwa dhorobha rinoputika zvirerwe zvakawanda zvakaita seCholera.

"Tatarisana nedambudziko gurusa sevagari vemuMasvingo tinokurudzira kuti kanzuru ichere zvbhorani zvakawanda nekugadzirisa zvagara zviripo kuitira kuti dambudziko rauya iri tisaite zvirwere zvakawanda."

Mutungamiriri wesangano rinomiriria vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti Murra, VaAnoziva Muguti, vanonyunyutira varimi venzimbe vatsva pamwe nemakambani eshuga avo vari kubvumidzwa kutora mvura mudhamu iri kuti vadiridze nzimbe, vachiti ndivo vari kupedza mvura panguva yakaoma kudai.

"Isu sevagari tinokurudzira kuti kana zvaiita vataurirane nevarimi venzimbe ne veshuga ku Lowveld varikudiridza nemvura shoma yasara, toda kuti mvura iyi ichengeterwe kushandiswa nevanhu vawane yekunwa nekubikisa pane kuti idiridziswe nzimbe dzemabhizimusi evanhu vashoma hupenyu hwevanhu vakawanda huri pakaoma."

Meya Fidze vakati kanzuru yavo ine chido chekuwedzera zvibhorani asi iri kukundikana kuwana mari inosvika miriyoni inodiwa nenyaya yekuoma kwehupfumi hwenyika.

"Tiri kuda mari yekuti tisise pombi dzedu kwasara kwakadzika kwedhamu asi panodiwa mari yakwanda iyo yatisina uye tinoda zvibhorani zvakawanda asi mari yacho hatina zvakare."

Asi vamwe vagari vanoti zvibhorani zviripo hazvikwaniri vanhu vose vari muMasvingo avo vanosvika zviuru zana.

VaFidze vakati vave kutarisira kuna Mwari Musiki kuti anayise mvuru uye vari mubishi rekuunganidza vafundisi nevakuru vemasangano edzisvondo mudhorobha kuti vaite pungwe yemunamato wemvura munhandare yeMucheke.

Nyaya inaGandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG