Accessibility links

Breaking News

BVR-VENDORS-WADZAYI


Masangano anoti Election Resources Centre, Zimrights neVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, ari kubatana mukudzidzisa vanotengesera mumigwagwa kukosha kwekunyoresa kuvhota pasi pechirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chiri kuitwa munyika. Mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi vanoti hurongwa hwavari kuita uhwu hwakakosha zvikuru kunhengo dzavo nekuti vamwe vari kurega kuenda kunonyoresa kuvhota vachiti havana nguva yacho nekuda kwemabasa avanoita. Vanoti sezvo vanhu vakawanda vave kurarama nekuzviitira mabasa emaoko, zvakakosha kuti vanhu ivavo vadzidziswewo kodzerodzavo mukusarudza vatungamiri vavanoda, asi zvichitangira mukunyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota. VaWadzayi vanoti vaita misangano miviri muHarare nezuro nanhasi, uye vari kutarisira kuita mumwe vasati vaenda kwaMutare, Masvingo neBulawayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG