Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voyambira vechiChena Vari Kudzoka muNyika Kuti Vasakonzerese Mhirizhonga


VaEmmerson Mnangagwa

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti varungu vakadzoka munyika vachida kukonzeresa mhirizhonga vanourayiwa apo vayambira nhengo dzebato ravo kuti dzivhotere nhengo yeZanu PF.

Vachitaura nemusi weChina munhandare yeNgoni kuNorton, VaMnangagwa vanoti bato ravo richarakasha varungu vose vachada kukonzeresa kupanduka kwevanhu munyika.

VaMnangagwa vapupura zvinogara zvichitaurwa nevanopikisa hurumemde kuti bato reZanu Pf rinotsigirwa nemasoja pamwe nemapurisa.

"Hatidi mhirizhonga tinovhota murunyararo, tinofanirwa kuremekedzwa tisu tinevanhu vakawanda, tisu vanhu, tisu hurumemde, tisu mawuto tisu mapurisa ndangangoti tiri zvese."

Vapikawo kuti hapana bato richatonga munyika kunze kweZanu PF.

Vachitaura pamusangano mumwecheteyo, murongi wemisangano muZanu PF VaSaviour Kasukuwere vanoti vebato reMDC-T makwara anotya kupinda musarudzo asi vanoonekwa vachitsigira nhengo yakazvimirira VaTemba Mliswa.

"Bato reMDC-T rinofanirwa kupinda musarudzo kwete kutya kupinda musarudzo."

Sarudzo dzemuNorton dziri kuitwa nemusiwe Mugovera pakati pemapato maviri anoti Zanu PF, neNCA pamwe nevari kukwikwidza vakazvimirira VaTemba Mliswa.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG