Accessibility links

Breaking News

Vamwe vemasangano anoshanda akazvimirira ega vanoti mitemo ine chekuita nesarudzo ikasavandudzwa sezvinofanirwa, zvinogona kuita kuti zvichabuda musarudzo zvive zvinoramba kutambirwa.

Vagari vemudunhu reZaka Central kuMasvingo vari vemapato anopikisa vari kuramba kusvitsa kuvakuru veZanu PF marusiti anoratidza kuti vanyoresa kuvhota vanonzi vari kusiiwa muzvirongwa zvekugoverwa kwechikafu pamwe nembeu nefotereza, kunyange hazvo hurumende iri kuti zvirongwa zvayo hazvineyi nezvematongerwo enyika.

Nhengo yeMDC-T inomirira Chinhoyi muparamende, VaPeter Mataruse, vanogovera zviuru zvitatu zvemadhora pawadhi yogayoga kumawadhi gumi nemashanu emudunhu ravo kubva kumadhora zviuru makumi mashanu zvemari yebudiriro yematunhu, kana kuti Constituency Development Fund.

Nyanzvi mune zveutano dzinoti madzimai mazhinji ari kunonoka kunoongororwa gomarara rechibereko vachizoenda nguva yapera. Nyanzvi idzi dzinoti kunodiwa dzidziso yakanyanya sezvakaitwa pachirwere cheHIV/AIDS.

Vateveri vemutambo wetenesi vari mumafaro mushure mekunge chikwata chenyika cheDavis Cup chakaita zvanga zvisingafungirwe ndokudambura Turkey 3-1 mumutambo weEuro-Africa Zone Group Two wakatambirwa kuHarare Sports Club, uyo vakawanda vaiti Zimbabwe yaizozvindikitwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kunetsana kunonzi kuri kuramba kuchienderera mberi mubato rinopikisa reMDC-T zvichitevera mapoka anonzi ave mubato iri uye kusiya chigaro kunonzi kwakaitwa nasachigaro webato iri, VaLovemore Moyo. Vamwe vanoti kusagadzikana uku kunogona kunganisa mubatanidzwa weMDC Alliance.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kukadzi 05, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG