Accessibility links

Mumuriri we Highfield West mudare reparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaPsychology Maziwisa pamwe nemutori wenhau Oscar Pambuka vanopiwa mukana wekubvisa chibatiso panyaya yekubira kukambani yeZESA mari yavari kupomerwa.

Vakawanda vakange vasina kukwanisa kunyoresa kuvhota muchirongwa chakadarika vopiwa mumwe mukana kuburikidza nekuwedzerwa mazuva kwechirongwa chekunyoresa che Mop-up voter registration chatanga mumatunhu ose emunyika nhasi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vokurudzirwa kuti vagadzirise nyaya yeGukurahundi, zvichitevera kukwira kudare kwerimwe sangano riri kuda kuti hurumende imanikidzwe kuburitsa ongororo dzakaitwa nemakomisheni eDumbutshena neChihambakwe.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora forum na 8pm, tiri kutarisa danho rebazi rezvemukati menyika muSouth Africa re Department of Home Affairs, rekukurudzira vemabhanga, vashandirwi kuti varambe vachibatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvakamirira magwaro eZimbabwe Exemption Permits, ayo akapera kushanda musi wa 31 Zvita 2017.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6:00am, Muvhuro kusvika chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG