Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Mbudzi 08, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika pamwe nevamiriri mudare reparamende neseneti muAmerica dziri kuitwa nhasi, VaDonald Trump veRepublican Party vachitatsurana naAmai Hillary Clinton veDemocratic Party musarudzo dzeachatungamira nyika.

Tichakupaiwo maonero akasiyanasiyana ezvizvarwa zveZimbabwe pamusoro pesarudzo dzemuAmerica idzi pamwe nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vavo vari muZanu PF.

Mapato gumi nemashanu anopikisa anosanganisira ari pasi peNERA anosangana neZEC kuti vaezeye zvavanoti zvinoda kutanga zvagadziriswa sarudzo dza 2018 dzisati dzaitwa.

Mumwe Mufundisi weAssemblies of Pentecostal Methodists, anoimba nziyo dzechitendero, Reverend Togarepi Tapera Chivariro vanopa sangano reAlive Albinism Initiative mvumo yekutora dambarefu ravo rinonzi 'Tsitsi Dzake iHuru' rakatsikiswa munaChikumi gore rino.

Muchirongwa chedu che LiveTalk na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvesarudzo dzemu America, idzo dziriko nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Chipiri Mbudzi 08, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG