Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri 11 Gumiguru, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vamwe vemapato ezvematongerwo enyika votambira hurongwa hwekunyoresa vanhu patsva pagwaro revavhoti pachishandiswa nzira dzechizvino zvino kana kuti biometrics hwakaparurwa neZEC.

Bato reZanu-PF rodzinga vamwe vagari vekuMasvingo vari paShow Ground mugadziriro yaro yemusangano waro wepagore.

Sangano reWFP robatsira mamwe madzimai ange okundikana kurapwa nenyaya yenzara kuMashonaland West.

Heath Streak odomwa semurairidzi mutsva weZimbabwe Cricket.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-The Connection na8;00 pm tiri kutarisa zuva remwanasikana kana kuti International Day of the Girl Child.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 00 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 Kilohertzs Shortwave.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau, Chipiri Gumiguru 11, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG