Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Gumiguru 04, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zimbabwe Human Rights Commission yokurudzira mapurisa nemauto kuferefeta nyaya yekupambwa kwemumwe munhu anofungidzirwa kuti aitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai joice Mujuru apo vainge vodzingwa muZanu-PF.

Imwe nhengo yeZimbabwe People First yopisirwa musha kuMarondera West nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Mufundisi wekereke yeRemnant Church VaPatrick Mugadza vadzokera zvekare pakati peguta reHarare munaFirst Street vachiparidza vachishora hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiipomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Sangano rinoongorora nyaya dzekodzero dzevanhu reMo Ibrahim Foundation rinoongorora nyaya dzehutungamiri nematongerwo enyika rinoti Zimbabwe iri pakati penyika dzemuAfrica dziri kuita zviri nani pahutongo.

Draw yema semi fainari eChibuku Super Cup yaitwa kumahofisi ePremier Soccer League nhasi masikati, tichakupai zvabuda.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-The Connection na8; 00 pm tiri kutarisa nyaya yevechidiki vakapedza zvidzidzo zvavo zvema degree avo asi vatarisana nedambudziko rekushaya mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau, Chipiri Gunyana 04, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG