European Union inoramba kubvisa gweta guru rehurumende rakamiswa basa VaJohannes Tomana pavanhu vakatemerwa zvirango.
Zimbabwe Lawyers for Human Rights yoshora kusungwa kwenhengo dzeZimbabwe National Liberation War Veterans Association nenyaya yekushora mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Dr Patson Dzamara voendesa tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachigunun'una nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Mapato anopikisa nemasangano akazvimirira oga oshora hurumende nekusda kurambidza vanhu kuratidzira murunyararo.
Tichakupai zviri kubuda kubva kumusangano weDemocratic Convention.
Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8.30 pm tiri kutarisa zviri kubuda kubva kuDemocratic Convention uko Amai Hillary Clinton vaita mudzimai wekutanga kusarudzwa kumirira bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika muAmerica.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 KiloHertz pa Short Wave.