Vechidiki veZanu-PF vanonzi vari kumanikidza vezvikoro uye vanhuwo zvavo kuunganidza mari nemabhazi mugadziriro yekunofora kuHarare iri kunzi One Million Man March.
Asi vechidiki veZanu-PF vanoti mashoko ekuti vari kumanikidza vanhu haasi echokwadi.
Vamwe veshandi veNRZ vodzokera kubasa vachitevera tsamba yakanyorwa nekambani iyi yekuti vange vadzokera kubasa mukati mezuva rimwe chete.
Botswana neZimbabwe dzovhura rimwe bhodha kukurudzira kutengeserana.
Zimbabwe Tourism Authority yotsvaga mari yekuita musangano wekukwezva vashanyi weSanganai/Hlanganani.
Tichakupai nhau dzemitambo yeCastle Premier Soccer League iriko mangwana.
Muchirongwa cheLivetalk-The Connection na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekufora kwenhengo dzeZanu-PF kana kuti One Million Man March iri kuitwa muHarare mangawana.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.