Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Chivabvu 19, 2016


Misoro yeNhau

Dare reHigh Court rinopa bato rinopikisa reMDC T mvumo yekuratidzira muBulawayo mukupera kwemwedzi uno mushure mekunge pamurisa arambidza bato iri kufora.

Madzimai ari kuyamwisa vana kuChimanimani kuManicaland ofara nechirongwa chekuwanira vana zvekudya chakaparurwa nesangano re USAID.

Mutungamiri weMDC T VaMorgan Tsvangirai vanopinda muchipatara muSouth Africa.

Vechidiki veZanu PF neveMDC T votaura pamusoro pehurongwa hwevechidiki veZanu PF hwekufora vachitsigira mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe svondo rinouya.

ZCTU yoshora danho rinonzi rave kuda kutorwa nevemakambani emugodhi rekuda kugumura vashandi kutanga mwedzi unouya.

Muchirongwa cheLiveTalk Women’s RoundTable, nhasi tiri kutarisa mamiriro akaita nyaya yechikafu, zvikuru takatarisa matambudziko anosangana nemadzimai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Misoro yeNhau, China Chivabvu 19, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG