Hurumende inotadza kubhadhara vanachiremba mabhonasi avo nhasi sezvanga zvakatarisirwa.
Chipatara cheHarare Central chovhara divi rinosvikira varwere kana kuti Out Patient Department nenyaya yekushaya machiremba ayo ari kuratidzira.
Sangano reCombined Harare Residents Association royendesa gurukota rezvematunhu VaSavior Kasukuwere kumatare richiti varikutyora mutemo nekuzvipa masimba akawandisa.
Kanzuru yeBulawayo yotanga kudzinga vanotakura vanhu nevanotengesa zvinhu pamusika weEgodini kuti pagadzirwe zvitoro zvinotengeswa zvinhu kanak kuti Egodhini Mall.
Musakanganwa kupinda muchirongwa chedu che LiveTalk-Women's RoundTable na 8:30pm.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.