Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Kurume 15, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Hurumende inoti vanhu vanoda rubatsiro rwechikafu munyika vave kusvika mamiriyoni mana ukuwo UNICEF ichiti vana zviuuru makumi matatu nematatu vave kurwara nezvirwere zvekushaya chikafu.

Meya weGweru VaHamutendi Kombayi vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vaive gurukota rinoona nezveMasvingo VaKudakwashe Bhasikiti vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mbune ndivo vakatumira mauto kuti avatsvagire rutsigiro musarudzo dza 2008 idzo dzakave nemhirizhonga yakanyanya.

Vagari vekwaMuzarabani voshushikana nemitero yavari kubhadhariswa kana vachitakura mombe dzavo.

Muchirongwa cheLivetalk- The Youth Connection na 8:30 pm tiri kutarisa nyaya yevanhu varikuenda kuKuwait vachifunga kuti varikuenda kumabasa voguma vobatwa senhapwa.

Kana muchida kutumira mashoko kuStudio7 muchishandisa whats app, nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 0318

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG