Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Kurume 03, 2016


Shona

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vowedzera zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vakuru muhurumende yavo kwegore.

Hurumende yeAmerica yopa Zimbabwe mamwe mamiriyoni gumi emadhora ekutenga chikafu.

Vana chiremba vehurumende vari kutanga mabasa vanoramba kutambira hurongwa hwehurumende hwekuti vashande vasina kubairwa zvitupa kana kuti contract workers.

Politburo yeZanu-PF yoita musangano muHarare nhasi.

Vakaremara vanoti kodzero dzavo pakuvhota hadzisi kuremekedzwa zvikuru pakuvhota.

Muchirongwa cheLivetalk- Womens Round Table na 8:30 pm tiri kutarisa nezvezuva remadzimaia reInternational Womens Day.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Vanoda kutumira mashoko ne whats up, tumirai panhamba dziinoti 00 1 202 465 0318.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG