Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gumiguru 26, 2015


Studio 7
Studio 7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoramba kutambira mubairo weConfucius Peace Prize wavakanga vapiwa nesangano rekuChina reChina International Peace Studies Centre.

Kusawirirana mubato reZanu PF kunoenderera mberi panguva iyo bato iri rakatarisana nemusangano waro wepagore uchaitirwa kuVictoria Falls.

Nhasi tine hurukuro nemutungamiri webato rinopikisa reProgressive Democrats of Zimbabwe, Amai Barbra Nyagomo muchirongwa chedu chekutaura nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika.

Munhau dzedu dzemitambo, murairidzi wechikwata chemaWarriors Kalisto Pasuwa anoenderera mberi nekusimudzira chikwata chake mushure mekubudirira kwacho kuenda kumakwikwi e2016 Africa Championships achaitirwa kuRwanda.

Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvekubudirira kwechikwata chemaWarriors mumakwikwi e2016 Africa Championships.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 AM, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertz pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG