Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gumiguru 17, 2016


Misoro yeNhau

Vaimbove gavhuna wedunhu reMidlands, VaCephas Msipa vanoshaya.

Ukuwo, vaimbowe murwiri wehondo yerusununguko uye vari vebato reZimbabwe People First rinotungamirwa naMai Mujuru, VaKudzai Mbudzi vanoshaya kuMasvingo.

Ve#Tajamuka/Sesijikile pamwe nevechidiki veMDC T vanoedza kusunga gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo, avo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuwori.

Vagari vemuHarare votyira kupararira kwezvirwere zvemanyoka zvichitevera dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta iri.

Tichakupai zvakabuda mumitambo yenhabvu yeCastle Lager Premier Soccer League yakatambwa mukupera kwesvondo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, nhasi tiri kutarisa nezvekushaya kwaVaCephas Msipa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Muvhuro Gumiguru 17, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG