Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Mugadza Voita zveMatongerwo eNyika


Pastor Phillip Mugadza
Pastor Phillip Mugadza

Mutungamiri wekereke yeRemnant, Pastor Patrick Phillip Mugadza, vave nhengo yebato rezvematongerwo enyika, reUnited Democracy Movement, UDM.

Mumusangano wavaita nevatori venhau, UDM inotungamirwa naAmai Violet Mariyacha, yazivisa kuti VaMugadza ndovakagadzwa kuti vave mutevedzeri webato iri.

VaMugadza, avo vanoti vachamirira dunhu reKariba pasi peUDM musarudzo dzakatarisirwa gore rino, vaudza vatori venhau kuti kana munhu achida shanduko anofanirwa kuishandira izvo vanoti zvapa kuti vapinde munyaya dzematongerwo enyika.

VaMugadza vati hapana chakaipa kuti vatungamiriri vedzisvondo vapinde mune zvematongerwo enyika. Vatiwo maKristu akapinda mune zvematongerwo enyika vanounza huMwari uye vakakanganisira vavhoti, vanoziva kukumbira ruregerero.

Sachigaro weUDM, VaEddington Mugova, vatiwo bato ravo richakwikwidza mumatunhu ese uye vane zvose zvinodiwa kuti nhengo dzavo dzipinde musarudzo.

Vanongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Bekezela Gumbo, vati havaoni pane chakaipa kuti VaMugadza vave nhengo yebato rezvematongerwo enyika. VaGumbo vatiwo chitendero nezvematongerwo enyika zvinodyidzana.

Pastor Mugadza vakasungwa gore rapera mushure mekunge vati vainge varotswa naMwari kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaizofa muna Gumiguru gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG