Accessibility links

Breaking News

VaNkosana Moyo Vanoti Vachapinda Musarudzo Kunyange Mitemo Isina Kunyatovandudzwa


VaNkosana Moyo

Mutungamiri webato reAlliance for the People's Agenda, APA, VaNkosana Moyo vanoti bato ravo richapinda musarudzo kunyange mitemo yesarudzo isina kunyatsovandudzwa.

Vachitaura vari muguta reKariba umo vanga vachitenderera vachisangana nevanhu, VaMoyo vanoti kuramba kupinda musarudzo hakuvake asi zvinotowedzera matambudziko munyika.

VaMoyo vanoti bato ravo richaita kuti bato rinoda kubira sarudzo zviriomere nekukurudzira vanhu vakawanda kuti vanovhota.

VaMoyo avo vanga vachitaura nevanhu vanga vachizvifambira pamwe nevanga vachitandara pazvikoro, vanotiwo vanhu vanofanirwa kuvhotera munhu nemabasa aakamboita neaanozivikanwa nawo, kwete vimbiso chete.

Mumwe mugari wekuNyamhunga muKariba, VaBrian Mavesere vanoti vafarira hurukuro yavaita naVaMoyo vachiti yavapa mukana wekubvunza zvavanga vasinganzwisise.

VaMoyo vanoti havaunganidze vanhu kuita misangano kana kuti ma rally, sezvo vachizopedzera miseve kumakunguwo nekuti havasi vose vanenge vari pa rally vanovhota uye vanhu havawane mukana wekubvunza zvavanenge vachida kunzwisisa.

Bato reAPA rinotiwo harina nhumbi dzarinozivikanwa nadzo sezvo zvichizorovesa nhengo dzaro.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG