Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMashonaland West Vanoti Vabuda muMweya weSarudzo


Chief Justice Luke Malaba vachitaura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Chief Justice Luke Malaba vachitaura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Vamwe vagari vekuMashonaland West vanoti vabuda mumweya wesarudzo vave kuenderera mberi nekushandira mhuri dzavo.

Vagari ava vanoti hapana chichashanduka pane zvakabuda musarudzo uye nekumatare nekudaro vave kuenderera mberi nekurarama uko vanoti kuri kurwadza.

VaTitus Nyereyemhuka mumwe wevaitarisa kuti sarudzo dzichaunza shanduko mukurarama kwavo. Asi ikozvino vanoti hazviyamure kuramba vanhu vaine kurwadziwa kana mufaro mune zvakabuda musarudzo sezvo mhuri dzichida kurarama.

Izvi zvinotsigirwa naVaKindness Moyana vanoti hapana chekuramba vanhu vachingofunga nezvakabuda musarudzo.

VaMoyana vanoti vave kuenderera mberi nekushavira mhuri yavo vachiti vakafungisisa nezvesarudzo zvinozovarwarisa vakafa.

VaGarnet Hokonya avo vanotengesa nharembozha vanoti kushupika kuri kunderera mberi vachiti hapana tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka.

Asi mumwe wevechidiki VaTinotenda Masiyiwa vanoti sezvo vakatambira zvakabuda musarudzo vave kunamatira vanhu kuti vabatane izvo vanoti zvichaunza vemabhizinisi zvichaita kuti vawane mabasa.

Nhasi mari pamusika mutema yanga yakakwira kubva pamadhora zana nemakumi mana nemashanu kusvika pamadhora zana nemakumi matanhatu pazana remadhora ekuAmerica.

Madhora zana ekuAmerica anga achitengwa nemadhora zana nemakumi masere kana kupfuura kana munhu achiatenga neEcocash kana Swipe. Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika zvave kupa kuti zvinhu zvidhure munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG