Nyaya yakakwidzwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorwira kodzero dzevanhu, VaMfundo Mlilo, kudare repamusoro, chichipikisa masimba anopiwa mutungamiri wenyika kana kuti Presidential Powers yanzwikwa mudare reHigh Court muHarare.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaTendai Biti, ndivo vari kumirira VaMlilo, mutongi ari VaDavid Mangota.
VaBiti vanoti mutungamiri wenyika haafanirwe kupihwa masimba ekudzika mitemo zviri kunze kwedare reparamende.
Nyaya iyi inonzi yatora maawa mashanu magweta achikweshana, mutongi wedare akazoti achazotaura mutongo wake nerimwe zuva risina kuzviswa, kunyange hazvo anzwa zvose zvaanga achida kunzwa nezve nyaya iyi.
Nyaya iyi yakakwidzwa mudare gore rakapera panguva iyo VaRobert Mugabe vaive mutungamiri wenyika. Asi nyaya iyi iri kuenderera mberi sezvo ichibata masimba emutungamiri wenyika, ayo anogona kushandiswa naVaEmmerson Mnangagwa.
Mutemo uyu unonzi wakadzikwa naVaMugabe mugore ra1986, uye uchiri kushanda nazvino, asi VaBiti vanoti ndewe hudzvanyiriri nekuti unoshandiswa kutsimbirira vanhu kuti vasapindire mune zvinotarwa nemukuru wenyika.
Facebook Forum