Accessibility links

Breaking News

Chitima cheMubatanidzwa weMDC Alliance Chonanga kuManicaland


Vamwe vevatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance, VaWelshman Ncube, VaNelson Chamisa, naVaTendai Biti.

Mubatanidzwa weMDC AlIiance uri kugadzirira kuita misangano mudunhu reManicaland kubva neMugovera mangwanani kusvika musi weSvondo.

Misangano iyi yakanangana nekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuuya.

Mutungamiriri webato reMDC-T uye vari ivo vachamirira mubatanidzwa uyu musarudzo dzemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, vanotarisirwa kunge vachitaura pamisangano ichaitwa kuBuhera, neMugovera mangwanani, kwaMakoni neMugovera masikati, uye kuBocha, kwaMarange, neMusi we Svondo.

Murongi wemisanagano mubato reMDC-T rinotungamirirwa naVaChamisa, VaAmos Chibaya, vanoti VaChamisa vari kungosvika kuZimbabwe vachibva kuBritain kwavanga vachishanya, vachikaka rwendo rwekuManicaland kunoita misangano iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG