Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Kutyisidzirwa kweVanhu Mumaruwa Kwawedzera


Masoja anonzi akaiswa mumaruwa senzira yekutyisidzira nayo veruzhinji
Masoja anonzi akaiswa mumaruwa senzira yekutyisidzira nayo veruzhinji

Kunyangwe hazvo mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuvimbisa pasi rose kuita sarudzo dzakachena, uye dzakasununguka, vagari vemunyika vanoti havaoni izvi zvichizoitika sezvo kutyorwa kwekodzero nekumbunyikidzwa kwevanhu kubudikidza nekutyisidzirwa pamwe nemhirizhonga yezvematongerwe enyika zviri kuwedzera pasi pehutongi hutsva hwavepo.

Munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vanoti nyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu nekurohwa pamhirizhonga yezvematongerwe enyika dziri kukwira apo sarudzo dziri kuswedera.

Vagari vakawanda mumaruwa vanoti vari kushungurudzwa nevatsigiri vebato reZanu PF, madzishe, pamwe nemasabhuku, avo vavari kupomera mhosva yekuvatorera ma serial numbers ekunyoresa kuvhota uye vachivamanikidza kutsigira musangano unotonga.

Vemasango anorirwa kodzero dzevanhu vanoti vane humbowo hwekuti nyaya dzekurohwa nekutyisidzirwa kwevanhu munyika dziri kukwira izvo zvichakanganisa kuitwa kwesarudzo dzakachena.

Mumwe mugari wekuZaka , Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti kutyisidzirwa nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu munyika kwakira munharaunda yavo.

"Pari zvino political violence yatosimuka zvakatosimba kuno kuZaka, izvezvi mukatotarisa nyaya yema serial numbers yatoenderera mberi neku thretenana vanhu vari kutonyimwa chikafu uye vari kunzi tichakurovai nekuti vari kuramba nema serial numbers, saka yatosimuka zvakaipa."

Vamwe vanoti Zanu PF yakadira mauto mumaruwa, ayo ari kunzi ari kufamba achityisidzira nekurova vagari vanofungidzirwa kuti ndevemapato anopikisa, izvo zviri kuita kuti vazhinji vagare mukutya panguva yesarudzo dzegore rino.

Mauto aya anopomerwa mhosva yekurova vatsigiri vemasangano anopikisa. Mumwe mutsigiri weMDC-T, VaLuckmore Mandiva vekwaZvamapere kwaChivi vanoti muna Kukadzi vakarohwa zvakaipisisa nemauto nekuti vanotsigira musangnao unopikisa.

Nemusi weMugovera, VaStanley Manguma, avo vari kuda kumira pasarudzo dzeparamende kuGutu West vakamirira MDC Alliance vanoti vakarohwa nemauto epakamba ye4-2 Infantry Battalion kwaGutu apo vaive vari munzira yekuenda kumusangano wakaitwa kwaNyika nemutungamiriri wavo VaNelson Chamisa.

"Ndaifamba ndichienda ku rally ndichidhiraivha motokari yangu, ivo vaiita ma drills avo saka ndaka slowa down, ndakapinda vakanditi wapinda ne speed yakawandisa, ndabva ndazama kutsanangura zvikanzi no kana muchinge maona masoja munofanira kumira uye munofanira kuziva kuti nyika ino iyi takaitora isu masoja iri mumaoko edu isu."

Vagari vanoti mauto anovavimbisa hondo kana musangano unotonga ukasawana rutsigiro pasarudzo, izvo zviri kuita kuti vasavhote vakasununguka.

Asi hurumende pamwe nebato reZanu PF vanoramba kuti hakuna mauto akaiswa mumaruwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Tolerence and Reconciliation Development (Cotrad) VaZivanai Muzorodzi, vanoti nyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu nemhirizhonga dziri kukwira munyika.

"Nyaya ye violence ne intimidation inova kumbunyikidzwa kwevanhu zvanyanyisa, zviri kutoramba zvichikwirira tichitarisa ma figures akudhara. Iye zvinho takuenda musarudzo, kunanaMasvingo South, Chivi, nyaya yema serial numbers, ne masabhuku iri kunetsa. Isu semusangano tiri kukurudzira kuti kuve nerunyararo, uye tavekuenda ku ma primary elections kucharohwa vanhu mhirizhonga yowedzera."

Mukuru wesangano reZimrights, VaOkay Machisa, vanokurudzira hurumende iri kutonga kuti isangovimbise sarudzo dzakachena nemuromo chete.

"Hatisikuda kuti zvingoramba zviri pamuromo chete, tinoda zvinhu zvinoenda pa ground. Tikanzwa Chief Charumbira vachitaura nemuromo kuti hapana mambo achaita zvematongerwe enyika, tikanzwa futi mukuru wemasoja achiti isu tichatevedzera mutemo tichasapota uyo munhu anenge asarudzwa nemhuri yeZimbabwe, ndokunonzi kusanduka kwezvinhu."

Nyanzvi mune zvematongerwe enyika muMasvingo, VaMasimba Gonese vanoti hurumende yaVaMunangagwa iri kunyegedza pasi rose ichiti ichaita sarudzo dziri pachena asi iyo iri kutyora kodzero dzevanhu.

Vanoti izvi zvichavanyadzisa pachauya vekunze kwenyika kuzoongorora sarudzo, apo vachasangana nenyaya dzekurohwa kwevanhu uye kutyisidzirwa nebato ravo.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weZanu PF kanawo vehurumende kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi. Asi vanhu vanoti panyaya dzemhirizhonga nekutyorwa kwekodzero dzavo takatairisana nesarudzo hapana chashanduka kubva zvakapinda hurumende itsva panyanga.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG