Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinoti Danho reMapurisa reKurambidza Kuratidzira Riri paMutemo


Dare rePamusoro reHigh Court

Mutongi wedare repamusoro Judge President George Chiweshe nemusi weChipiri vakapa mutongo wekuti danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza vanhu kufora mukati meguta reHarare riri pamutemo.

Mutongo uyu unotevera nyaya yakanga yakwidza kudare iri nemasangano akazvimirira nemapato anopikisa, pamwe nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, vachida kuti dare ritarise nechimbichimbi danho remapurisa rekurambidza vanhu kufora iri.

Mutongo uyu unopidigurawo mutongo wakambopiwa nemumwe mutongi wedare reHigh Court Amai Priscilla Chigumba wekuti vanhu vane kodzero dzekuratidzira sezvo vachipiwa kodzero idzi nebumbiro remitemo.

Mapurisa akanga arambidza vanhu kuratidzira kwemasvondo maviri mukati meguta, danho rakatadzisa vanopikisa hurumende kuratidzira kwavanga vakaronga.

Rimwe remagweta akasvitsa nyaya iyi kudare repamusoro, VaTendai Biti, vanotungamira bato rinopikisa rePDP, vanoti mutongo uyu wavakatyamadza, sezvo bumbiro richipa vanhu mvumo yekuratidzira.

VaBiti vanoti vachagara pasi semagweta kuti varonge danho rekutora pakati pekuenda kudare repamusorosoro reSupreme Court kana kuti vongonanga kuConstitutional Court.

Vanotiwo mutongo uyu ucharambidza vanhu kuratidzira muHarare kusvika musi wa 15 Gumiguru, unove mwedzi uno, asi vari kunze kweHarare vanokwanisa kuratidzira kana vachinge vazivisa mapurisa.

"Hapana ari kubvumidzwa kuratidzira neka ban kakakaitwa naSaunyama kemuHarare, so vemamwe maguta asiri Harare vachine kodzero yekupa notification in terms of Section 24 ye Public Order and Security Act kuti vamache," VaBiti vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, "But vemuHarare even vasineyi nematongerwo enyika, even vasikana vari kuda kuratidzira runako rwavo vanonzi ma beauty queens, havana kodzero yekumacha muHarare until musi wa 15 October, zvinove zvinhu kwatiri zvisiri pamutemo"

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG