Accessibility links

Breaking News

Vedzimotokari muChinhoyi Voti Vari Kushaya Mafuta eDzimotokari muMagaraji


Kuwanikwa kwemafuta edzimotokari kunonzi kunenge kwave kunetsa muChinhoyi izvo zvave kuita vedzimotokari vamire mumitsetse
Kuwanikwa kwemafuta edzimotokari kunonzi kunenge kwave kunetsa muChinhoyi izvo zvave kuita vedzimotokari vamire mumitsetse

Kunyange hazvo hurumende iri kuti mafuta edzimotokari azere munyika anokwana kusvika gore rinouya vedzimotokari muChinhoyi vari kushaya peturu mumagaraji.

Vedzimotokari dzinotakura vanhu mumisha inogara veruzhinji vanoti kushayikwa kwemafuta kuri kuita kuti vasashande sezvavaimboita apo mafuta aiwanikwa nyore.

VaCuthbert Chioko avo vanotakura vanhu kuenda kuBanket vanoti kushaikwa kwemafuta emotokari kwakuvadza basa ravo.

Mumwe mugari weMuchinhoyi VaTodd Nyangana vanoti kushaikwa kuri kuitwa mafuta zviri kukonzerwa nevemagaraji vasiri kuda kutengesa mafuta avanawo netarisiro yekuzoatengesa kana mutengo wakwira.

VaNyangana vanoti chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti vanotengesa mafuta edzimotokari vari kuramba kutambira mari yemabond coins.

VaNyangana vanoti zviri pachena kuti mari yemabond notes iri kutarisirwa kuparurwa kupera kwemwedzi uno ichanetsa kushanda kwayo.

Asi vanotengesa mafuta muChinhoyi varamba kutaura neStudio 7 vachiti titaure nevekumahofisi avo makuru ari kuHarare.

Munyori mukuru mubazi rezvemhando dzemoto VaPatson Mbiriri mugwaro ravaburitsa mumapepanhau nhasi vati mune mafuta edzimotokari anokwanira nyika yose kusvika gore rinouya.

Asi vanoongorora nezvehupfumi vanoti hurumende iri kuhwanda nemumwe sezvo dambudziko remafuta edzimotokari riri kuonekwa nemunhu wese nokuda kwekuvharwa kwemapombi emafuta mumagaraji.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG