Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Vopiwa Mukana weKupa Pfungwa Dzavo paBhiri reRBZ Amendment Act


Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, nhasi vamisa hurongwa hwavo hwekuda kupasisa muparamende bhiri reReserve Bank Ammendment Act iro rinogadzirisa kushandiswa kwemari yemaBond Notes nechimbichimbi uye vati vatora danho iri mushure mehurukuro dzavaita nevakuru veparamende pamwe nevebato rinopikisa reMDC.

NeChitatu VaChinamasa vainge vakumbira paramende kuti zvinhano zvese zvinodiwa kuti bhiri ripasiswe zviitwe musi mumwechete asi nhasi vati vabvisa chikumbiro ichi pamberi pedare reNational Assembly.

VaChinamasa vaita izvi mushure menhaurirano dzavaita nemutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, avo vabva vazivisa kuti komiti yeparamende inoona nezvemari nebhajeti ichatenderera nyika yese svondo rinouya ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri iri, iro rakanangana nekushandiswa kwemari yemaBond Notes.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC T zvakare vari mumiriri weKuwadzana East mudare reNational Assembly, VaNelson Chamisa, vanoti vano bvumirana nedanho ratorwa naVaChinamasa rekupa veruzhinji mukana wekupa pfungwa dzavo pamusoro pebhiri iri.

Vanoti hazvina kunaka kuti hurumende ityore bumbiro remutemo apo ine mutemo wainenge ichida kugadzira vachiti bumbiro rinosungira paramende kuti ipe vanhu mukana apo inenge ichiumba mutemo.

Vati kunyange hazvo vachiziva kuti hurumende haiteerere kana kutambirwa pfungwa dzeveruzhinji, zvakakosha kuti vanhu vataure zvavanoda.

Kunyange hazvo veRBZ vange vari kushambadza zvemaBond Notes, VaChamisa vati nhengo dzeparamende ndidzo dzine mvumo yekubvunzurudza vanhu vadzinomirira.

Mumwe mugari wemuHarare, VaMalvin Mukudu vanoti nyaya yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji yakanaka chose kunyage hazvo pfungwa dzacho dzisingazotevedzwi.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vanoti danho ratorwa neparamende rakanaka chose uye ndizvo zvinofanira kuitwa pese panoumbwa mutemo.

Kunyange hazvo mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vakashandisa simba ravo pasi pemutemo we Presidential Powers (Temporary Measures) Act kuti maBond Notes ashandiswe zviri pamutemo, mutemo weRBZ Act unofanirwa kuvandudzwa kuti uenderane neizvi.

Nyanzvi dzemutemo musangano reVeritas dzinoti kana RBZ Amendment Act ikapasiswa inotanga kushanda musi wakagazetwa mutemo wemaBond Notes nemutungamiriri wenyika, musi wa31 Gumiguru gore rino.

Mutemo wePresidential Powers uri kupikiswa nevanhu nemasangano anoti unopikisana nebumbiro remutemo wenyika.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG