Accessibility links

Breaking News

VeChechi dzechiKristu neIslam Vanoita Zvidzidzo Zvekupana Ruzivo


Vatendi vechiIslam vachinamata
Vatendi vechiIslam vachinamata

Vafundisi vechiKristu nechi Islam nemusi weChina vakapedza zvidzidzo zvemasvondo maviri izvo zvange zviine chinangwa chekuwedzera ruzivo pamusoro pezvitendero izvo senzira yekudzivirira vaye vanopfurikidza mwero.

Vachitaura pakupera kwezvidzidzo izvi, sachigaro weIslamic Council of Zimbabwe, Sheil Ishmael Duwa, vakati kupokana kunoitika pakati pevanhu vezvitendero zvakasiyana siyana kuno konzerwa nekuti panenge pasina ruzivo pakati pevanhu vezvitendero izvi.

Sheik Duwa vati muZimbabwe veruzhinji kana vezvimwe zvitendero havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechitendero chavo ndokusaka vachivafungira zvakaipa nguva zhinji.

Vati zvidzidzo izvi zvaitsigirwa nemuzinda wemumiririri weIran muZimbabwe, zvairatidza pachena kuti hapana musiyano wakanyanya pakati pezvitendero izvi uye vanhu vezvitendero izvi vanokwanisa kushanda pamwe chete.

Reverend Sam Malunga veTehilla Christian Network, vaudza Studio 7, kuti zvidzidzo izvi zvavavhura meso pamusoro pechitendero cheIsam uye vazvipira kushanda nemaMuslim sezvo vari vanhu vane chitendero chine chinangwa sechavo.

Vaviri ava vati zvichitevera kubudirira kwezvidzidzo izvi, vachaita mumwe musangano wevatenderi vavo muna Gunyana nechinangwa chekusimbaradza hukama pakati pavo.

Vatiwo chimwe chisungo chabuda ndechekuti vanofanira kushanda pamwe chete mukutsigirwa zvirongwa zvehurumende uye neMugovera chaiwo vachaenda kunzvimbo inovigwa magamba yeHeroes Acre senzira yekucherechedza basa guru rakaitwa vemagamba akasunungura Zimbabwe.

Zimbabwe ino cherechedza zuva remagamba nemusi weMuvhuro unouuya.

Makristu nemaMuslim anogaro achirwisana kunyika dzakaita seNigeria uyewo mamwe masangano ano pfurikidza mwero akaita seBoko Haram neISIS anonzi ave kusvibisa chimiro chemaMuslim munyika dzakawanda pasi rese.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mazuva apera vainge vari kuIran pakugadzwa kechipiri nekutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika iyi VaHassan Rouhani.

Zimbabwe neIran dzakatemerwa zvirango nehurumende yeAmerica nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu. Asi hurumende inoti zvirango izvi zvakatemerwa Zimbabwe nenyaya yekutorera vachena minda.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG