Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuKariba Vonyunyuta neMabhiribhodhi ane Mifananidzo yaVaMangagwa


Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa

Kanzuru yeKariba nevamwe vagari vanoti havasi kufara nemifananidzo yekushambadzira yebato reZanu PF, iyo inoiswa pasina kuwiriranwa kana kubhadharwa.

Mifananidzo yemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, iyo yakaiswa pamabhodhi ekushambadzira yakonzeresa mutauro muguta iri.

Vamwe vagari vanoti kanzuru yavo haisi kupihwa mari yekushambadzira yavanofanirwa kunge vachiwana kubva kumakambani anoshambadzira zvakasiyana zvinosanganisira zvematongerwo enyika.

Chave kunyanya kurwadza vagari vakawanda ndechekuti kanzuru yavo inoti hapana chainoziva panyaya yekushambadzirwa kwaVaMnangangwa pamabhodhi akaiswa aya, ayo anoonekwa kana munhu achipinda muguta iri.

VaProgress Zwambili mugari wemumusha unogara veruzhinji wemaHombekombe kuKariba. VaZwambili vanoti havasi kufara nebhiribhodhi raVaMnangagwa rakaiswa zvisiri pamutemo iri.

VaZwambili vanoti vachatora matanho kuti kanzuru ibhadharwe nevakaisa bhiribhodhi iri sezvo kanzuru iri iyo inofanirwa kubvumidza zvichitevera zviga zvinenge zvawiriranwa pamisangano yemakanzura.

Meya weguta reKariba, Amai Tracy Ndoro, vebato rinopikisa reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa vanoti vakashamiswawo nebhiribhodhi raVaMnangagwa pasina kuwirirana mukanzuru sezvinodiwa nemutemo.

Amai Ndoro vanoti pamutemo makanzura anofanirwa kugara musangano vobvumirana zvinenge zvichifanirwa kushambadzirwa.

Vakafanobata chigaro chemukuru wekanzuru yeKariba VaSaratiel Chitenhe vanoti kunyangwe bhiribhodhi iri riri mumusha weKariba nzvimbo yarakaiswa iri mukati memamita makumi manomwe kubva mumugwagwa mukuru.

Mukuru anoona nezvemigwagwa mudunhu reMashonaland West, Engineer Carter Mapurisa varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vaita mutete.

Engineer Mapurisa vati titaure nemunyori mukuru webazi rezvekutakurwa kwezvinhu nekugadzirwa kwemigwagwa avo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Wongororo yakaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mifananidzo yeVaMnangagwa yakaiswa mumigwagwa inopinda mumaguta akawanda munyika.

Dzimwe nhengo dzeMDC-T dzinoti kana vemakanzuru vachiti havazive kuti ndiani ari kuisa mifananidzo yaVaMnangagwa vachagadzirisa nyaya iyi nekuisawo mifananidzo yaVaChamisa pakaiswa yaVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG