Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvinoungana muAfrica Unity Square Zvichiti VaMugabe Vaende


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana muAfrica Unity Square
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana muAfrica Unity Square

Apo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuedza mazano ose ekuti zvizivise mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vachibva pachigaro, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pasi peboka reUnited Citizens Alliance zvaungana mu Africa Unity Square pedyo neparamende zvichitsigira kuti VaMubage vabviswe pachigaro.

Vaungana muAfrica Unity Square vari kutsidza kuti havasi kuzoenda kumba kusvika VaMugabe vasiya chigaro chehutungamiriri hwenyika.

Mumwe wevari pagungano iri Muzvare Nicola Tapfumaneyi vaudza Studio 7 kuti mweya wehumwe nekubatana nevamwe ndowavasimudza. Muzvare Tapfumaneyi vatiwo VaMugabe vaondonga nyika vakatiwo ivo vanozvipira kana kuenda kuhondo kanaVaMubage vakasabva murunyararo.

Mumwe muratidziri abva kuKuwadzana Extension, Amai Kerita Dzinomwa vatiwo vabatana nevamwe kugadzirisa remangwana revana vavo.

Amai Dzinomwa vati kushaikwa kwemabasa, kwemari nemamwe matambudziko avari kusangana nawo munyika ari kuramba achiwedzera, vakati nekukwegura kwaita VaMugabe ngavachizorora.

Sachigaro weUCAZ VaJoelson Mugari vati zvakakosha kuti vana veZimbabwe vabatane kusvika VaMugabe vasiya chigaro. Vatiwo havasi kuzobva muAfrica Unity Square kusvika VaMugabe vasiya chigaro.

VaMugari vatiwo kuungana kwavo muAfrica Unity Square kunozadzisa zvido zvaVaItai Dzamara avo vakatsakatika muna 2015 mushure mekugara muAfrica Unity Square vachi kurudzira kuti VaMugabe vabve pachigaro. VaMugari vati VaDzamara vaiva nemuono huye vasina kutya vakati vanhu vemuZimbabwe vasunungurwawo mudambudziko rekutya.

Mutungamiriri weMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai, vaive varwi verusununguko, vedzisvondo nemamwe masangano akasiyana siyana vari kutarisirwa kutaura pagungano iri.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG