Accessibility links

Breaking News

Mapato Onyoresa Kukwikwidza Sarudzo yeMumiriri weZaka East


Nhengo dzemapato mana dzakwanisa kunyoresa zviri pamutemo kuitira kuti dzikwikwidze musaradzo ye by election yekutsvaga mumiririri weZaka East muparamende.

Vane magwaro atambirwa nedare reNomination Court ndiVaDereck Charamba veMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa; VaClemence Chiduwa ve Zanu PF; VaLazarus Mubango veFree Zim Congress, pamwe naVa Clemence Chavarika veNational Constitutional Assemby, NCA.

Mukuru wekufambiswa kwebasa muZimbabwe Election Commission mudunhu reMasvingo, VaZex Pudurai, vati kunyoreswa kwevachakwikwidza ava kwaitwa zvakanaka pasina zvanetsa.

VaCharamba veMDC vaudza vatori venhau kuti vanotarisira kukunda musarudzo iyi kunyange hazvo bato ravo rakambokundwa musaraudzo iyi gore rapera.

VaChiduwa veZanu PF vatiwo vanotarisira kutora chigaro ichi nekuti chakagara chiri kubato ravo ravati rinodiwa nevanhu.

Vange vakamiriria nhengo ye NCA, VaNyasha Zhou, vatiwo havatarisiri kukunda musarudzo iyi kunyange vari kukukwidza nekuti Zanu PF yave nemakore ichikunda munzvimbo iyi.

Chigaro cheZaka East chakasara chisisna munhu mushure mekushaya kwevaimirira nzvimbo iyi muparamende, VaCaston Gumbandwa, muna Chikumi.

Mune imwewo nyaya, mhuri dzinosvika gumi neina kuMashava dzave nemazuva maviri dzichigara pamhene mushure mekudzingwa mudzimba dze Gaths Mine dzavaigara nedare redzimhosva reko vachinzi dzimba dzavo dzakatengwa nechikoro chipamusoro soro che Great Zimbabwe Universtity.

Vagari vemumusha weChemberi vaive vashandi vemumugodhi uyu, uye wakavharwa kare. Vanoti vari panguva yakaoma apo vana vavo vari kuvata panze sezvo vasina kwekuenda.

Mumwe wevagari vataura neStudio 7, VaEdmore Munyanyi, vati vave kutyira hupenyu hwemhuri dzavo sezvo vari kurara panze uye vakatarisana nenhamo yekushaya chikafu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reGreat Zimbabwe University panyaya yevanhu vakabviswa mudzimba dzavanga vachigara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG