Accessibility links

Breaking News

Vemachechi kuChinhoyi Vonamatira Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai

Nhengo dzemubatanidzwa weMDC Alliance mudunhu reMashonaland West dzichibva kumakereke akasiyanasiyana neSvondo dzakanamatira mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, dziine donzvo rekuti vapore nekukasika kuitira kuti vatungamire mubatanidzwa uyu musarudzo dzegore rino.

Mumwe wevakapinda mumusangano wekunyengeterera VaTsvangirai ndaAmai Abgail Saini vebato reZimbabwe People First vachibva kuKaroi, avo vanopinda chechi yeZion.

Amai Saini vanoti VaTsvangirai vane nhoroondo yekutungamira bato reMDC-T nekudaro vanonamatira kuti vavatungamire musarudzo dzegore rino.

Amai Saini vanoti vari kunamatirawo sarudzo kuti dzive nerunyararo uye kuti VaTsvangirai vakunde.

Mumwe wevakapinda musangano uyu muChinhoyi VaSlyvester Muzambili vanopinda kereke yeAnglican, avo vanoti vaona zvakakodzera kunamatira VaTsvangirai nekuti munhu akataura chokwadi kuti vane chirwere chegomarara remumatumbu.

VaMuzambili vanoti vanamatirawo kuti mhirizhonga isaitike panguva yesarudzo, kunyange masoja achipindira musarudzo. VaMuzambili vanotti hapana chinokunda munamato.

Imwe nhengo yeMDC-T yekuChegutu iyo inoti inoda kungonzi VaKomjana inoti VaTsvangirai ndivo vanofanirwa kutungamira bato musarudzo kunyange vachirwara nekuti vakawanda vanorwara asi vasingabude pachena sezvakaitwa naVaTsvangirai.

Vapinda mumunamato uyu vashoropodzawo kurwira masimba kuri kuitika mubato reMDC-T, vachiti vari kurwira chigaro chaVaTsvangirai ndivo vari kunonotsa shanduko munyika.

Musangano wekunamatira VaTsvangirai uyu wapindwawo nenhengo dzeMDC-T pamwe nevemachechi akawanda mudunhu rose reMashonaland West vasineyi nemubatanidzwa weMDC Alliance.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG