Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotadzisa MDC Kuratidzira kuMashonaland West


MDC-T Youths

Mapurisa arambidza nhengo dzebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuratidzira mudunhu reMashonaland West.

Sachigaro wedunhu reMashonaland West muMDC, VaRalph Magunje, vabvuma kuti varambidzwa kuratidzira munzvimbo dzinoti Chinhoyi, Mhangura, Kariba, Karoi, Chegutu neKadoma.

Patabvunza VaMagunje kuti sei vave kutevedzera zvataurwa nemapurisa, asi ivo vakamboti vacharatidzira kunyange vakarambidzwa, VaMagunje vati vacharatidzira mudunhu iri munguva pfupi iri kutevera asi pari zvino vari kumbozeya nzira dzavachashandisa mukuratidzira kunyange vakarambidzwa nemapurisa.

Mapurisa aswera nhasi achimbeya mumaguta madiki anoti Karoi, Kariba, Kadoma neChinhoyi asi masoja anga ari pakamba yemapurisa muChinhoyi danho rinofungidzirwa nevazhinji kuti vanga vakamirira kupinda mumigwagwa dai MDC yaenderera mberi nekuratidzira kwayo.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaCover Mugwadi, vati kuzadza mapurisa mumigwagwa kwaitwa nehurumende kunoratidza kutya kwehurumende kuti ingangopidigurwa.

VaMagunje vati nhengo dzeMDC dzichaita misangano munzvimbo dzakawanda mangwana mudunhu yekuzeya kuti votora danho ripi.

Misangano iyi ichange ichikokerwa nenhengo dzebato iri dzepamusoro kana kuti Standing Committee.

Kutanga kwemwedzi uno, VaChamisa vakadaidzira kuti bato ravo raizoratidzira musi wa Nyamavhuvhu 16, asi mapurisa akarambidza kuratidzira uku, ndokubva avhara guta reHarare.

Asi pane dzimwe nhengo dzeMDC dzakakwanisa kuratidzira izvo zvakaita kuti dzirohwe nemapurisa aishandisa mboma pamwe nehutsi hunokachidza.

Mapurisa akaenderera mberi achirambidza zvakare bato iri kuratidzira mumaguta anoti Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti MDC inofanirwa kufunga zvakadzama pahurongwa hwayo hwekuratidzira, sezvo nguva dzose iri kutadza kubudirira mushure mekunge mapurisa apindira.

Nyanzvi idzi dzinoti MDC ikatadza kunyatsobuda nehurongwa hwakasimba, vanhu vakawanda vachapedzisira voitora sebato rinongotaura chete asi pasina zvarinoita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG