Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Zvakaipisisa Vatori veNhau veNewsDay


A cameraman is hit by the police during demonstrations in Harare on Aug. 3, 2016.
A cameraman is hit by the police during demonstrations in Harare on Aug. 3, 2016.

Mapurisa arova nekusunga vatapi venhau vebepanhau reNewsday avo vange vari kutora mifananidzo yemapurisa ange ari kurova mumwe muchairi wekombi muHarare.

Izvi zvaitika apo gurukota rezvekuburitswa kwemashoka, VaChris Mushowe, varamba kumira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko kuti vataure kuti chii chiri kuitwa nebazi ravo kuvandudza mitemo yezvekutapwa kwenhau pamwe nekuona kuti vatapi venhau vashanda vasingashungurudzwe.

Vatori venhau, Obey Manayiti, Shepard Tozvireva, Abigai Matsikidze nemuchairi wavo, Raphael Phiri, vasungwa muHarare nemapurisa ayo asina kufara nebasa ravange vachiita.

Kutaura kudai vamwe vatatu vasunungurwa uye Manayiti achiri muhusungwa achipomerwa mhosva yekurova mapurisa.

Asi mupepeti mebepanhau reNewsday, VaWisdom Mudzungairi, vaudza Studio 7 kuti Manayiti ndiye arohwa zvakaipisa nemapurisa uye mapurisa ange ati Manayiti abhadhare faindi asi aramba kuita izvi sezvo ari iye arohwa nemapurisa.

VaMudzungairi vati Manayiti anzi achaenda kudare mangwana.

Masangano anomirira vatapi venhau, eVoluntary Media Council of Zimbabwe, neMedia Insitute of Southern Africa Zimbabwe Chapter, ashora kuita kwemapurisa.

Vanoona nekufambiswa kwezvirongwa muVMCZ, Muzvare Faith Ndhlovu, vati zvinosuwisa kuti apo bumbiro remitemo riri kuti vatapi vanhau vashande zvakanaka pasina kushungurudzwa, mapurisa ari kurova vatori venhau vachiita basa ravo.

VaNjabulo Ncube veZimbabwe National Editors Forum vati kuita kwemapurisa kunoratidza kuti zvinhu zviri kuramba zvichioma munyaya dzekutapwa kwenhau.

Mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira, Byron Mutingwende, ashaora kuita kwemapurisa achiti kutapa nhau haisi mhosva.

Mumwewo mutapi wenhau, Judith Kajuma, ati mapurisa ari kushungurudza veruzhinji uye hapana chakaipa pane zvange zvichiitwa nevatori venhau veNewsday.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati havana zvavanoziva nekurohwa kwaManayiti nevamwe vake sezvo vasiri ivo vanosunga vanhu.

Kushungurudzwa kwevatori venhau veNewsday kwaitika apo gurukota rezvekuburitswa kwemshoko, VaChris Mushowe varamba kumira pamberi pedare kechina kuti vazotaura kuti chii chiri kuitwa nebazi ravo kuvandudza mitemo yezvekutapwa kwenhau pamwe nekuti vatori venhau vashande pasina kushungurudzwa.

VaMushowe vaonekwa vari kumusangano weZanu PF kumuzinda webato iri uko mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vange vachitaura pamusoro pemakakatanwa ari mubato ravo.

Vanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa muMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati VaMushowe igurukota risina hany’a nebasa raro.

Imwe nhengo yeMDCT muparamende, VaJames Maridadi, vashora zviri kuitwa naVaMushowe.

Nhengo dzeMDC nedzeZanu PF muparamende hadzisi kuwirirana pamatanho anofanirwa kutorerwa VaMushowe nekuzvidza kwavari kuita komiti iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG