Accessibility links

Breaking News

Varimi Vogarira Guyo seMbwa kuMashonaland West


Communal farmers cultivate maize crops in Mvuma district, Masvingo, Zimbabwe, Jan. 26, 2016.

Mumwe murimi wekuBanket, VaInnocent Chesa, vanoti chinonyanya kurwadza ndechekuti vakarega kupemha mbeu nefotireza vachiti vachayamurwa nehurumende pasi pechirongwa ichi, asi kusvika pari nhasi, hapana chati chabuda.

Varimi vakawanda vari kurima chibage vari pasi pechirongwa chezadza
matura, Command Agriculture, vanoti goho ravo richange rakadzika sezvo vanonoka kuwana mbeu nefotireza sezvavakavimbiswa.

Varimi ava vari mumatunhu anoti Makonde, Mhangura neZvimba vanoti
vaneta nekugarira guyo sembwa panzvimbo dzinopihwirwa zvekurimisa
dzeGrain Marketing Board (GMB) muChinhoyi, Murombedzi neBanket.

Varimi ava vanoti kunonoka kupinda muminda kuchaita kuti zvirimwa
zvavo zvitadze kusvika izvo zvichaderedza goho ravo zvakanyanya.

VaSimbarashe Katehwe vekuMakonde, avo vane mazuva matatu vakagarira
mbeu nefotireza zvemahikita makumi mashanu, vanoti kunonoka kurima
kuchavhiringa shuviro yavo.

Mumwe murimi wekuBanket, VaInnocent Chesa, vanoti chinonyanya kurwadza ndechekuti vakarega kupemha mbeu nefotireza vachiti vachayamurwa nehurumende pasi pechirongwa ichi, asi kusvika pari nhasi, hapana chati chabuda.

Mukuru weCommand Agriculture mudunhu reMashonaland West, Muzvari Edna Shambare, vakagezera maoko kubazi reGMB vachiti ndiro rinoona
nezvekupiwa kwembeu nefotireza.

Asi mukuru anotaurira GMB, Amai Muriel Zemura, vanoti vachataura chete kana vataurirwa zviri kuitika kumatunhu ose munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanova
sachigaro wekomiti yekabhineti inoona nezvekuwanikwa kwezvekudya
munyika, vakaparura chirongwa cheCommand Agriculture mwedzi mishoma yapfuura nedonzvo rekurima zvekudya zvinokwanira munhu wese munyika.

VaMnangagwa vanoti hurumende yakawana mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu emadhora kubva kune mabhanga anokweretesa pamwe nemakambani akazvimiririra anechekuita nezvirimwa.

Nzvimbo inosvika mahekita zviuru mazana mana 400 000 hectares yakasarudzwa kuti irimwe chibage chinofanirwa kusvika mamiriyoni maviri ematani ayo anokwanira nyika yose pagore.

XS
SM
MD
LG