Accessibility links

Pastor Mugadza Vosimudzira Basa Raiitwa naVaITai Dzamara


Pastor Mugadza

Mufundisi vanorwira kodzero dzevanhu, VaPatrick Mugadza vatanga kugara muAfrica Unity Square muHarare vachiti vave kuenderera mberi nebasa rakasiiwa neVaItai Dzamara avo vakatorwa nevanhu vanofunidzirwa kuti vasori makore maviri apfuura.

Pastor Mugadza avo vapinda muAfrica Unity Square vakatakura joko vati mabasa aVaDzamara ekuratidzira pamusoro pehutongi hwaVaMugabe hwakaipa haangarove sezvavakaita mushure mekupambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vanoshandira hurumende yaVaMugabe.

VaMugadza vati joko ravari kutakura rinoratidza kuomeserwa kuri kuitwa vana veZimbabwe nehurumende yaVaMugabe uye vachagara muAfrica Unity Square pakati peguta reHarare vachinamata nekukumbira kuti Mwari vasunungure vana veZimbabwe kubva kuhotongo hweZanu PF naVaMugabe.

Vati sangano raVaDzamara reoccupy Africa Unity Square raiita basa rakanaka chose uye vazvipira kushandira sangano iri kusvikira zvinhu zvanaka munyika.

Imwe nhengoyeOccupy Africa Unity Square, VaIrvin Takavada, vaudza Studio7 kuti vanotambira Pastor Mugadza navose vanoda kushanda navo mukupedza hutongo hwaVaMugabe.

VaDzamara, avo vaimbove mutori venhau vasati vatanga basa rekurwira kodzero dzevanhu, vakatorwa nechisimba pedyo nekumba kwavo mumusha weGlen View makore maviri apfuura nevanhu vanofundidzirwa kuti vasori uye kusvika pari zvino havasi kuziviknwa kuti vari kupi kana kuti vachiri vapenyu here.

VaDzamara vainge vatanga sangano ravo reOccupy Africa Unity Square vachiratidzira pamusoro pehutongo hwaVaMugabe uye vaida kuti VaMugabe vasiye chigaro chavo.

Hurumende inoti iri kutsvaga kuti VaDzamara varipi sezvayakanzi iite nematare edzimhosva asi haina chayati yawana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG