Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Bhajeti Chimbi Chimbi


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakumbira dare reNational Assembly kuti risangane kwenguva refu kuitira kuti ripasise bhajeti ra2017 pamwe nemutemo wekushandiswa kwemari yemaBond Notes vachiti nguva yapera uye hurumende inogona kushaya mari yekushandisa.

Zvichitevera chikumbiro chaVaChinamasa, dare iri raita chisungo chekuti richasangana kwenguva yakareba pazuva rega rega kudzamara mabhiri maviri aya apasiswa.

Dare ratanga nekuzeya mabhiri eReserve Bank of Zimbabwe Amendment Act pamwe nere bhajeti ra2017 ayo VaChinamasa vati anofanira kupasiswa nekukasika sezvo nguva yapera.

Asi nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai dzati nyaya yekuita zvinhu nechimbi chimbi haina kunaka vachiti nyaya dzakaita sebhajeti dzinoda kuti vanhu vaise pfungwa pamwe chete vachizeya sezvo dziri nyaya dzehupfumi hwenyika.

Vanokokera nhengo dzeMDC T muparamende, VaInnocent Gonese, vati bhajeti ringadai rakapasiswa muna Zvita gore rapfuura asi izvi zvakatadza kuitika nekuti dare iri rakavhara nekukasika richipa nhengo dzeZanu PF mukana wekuenda kumusangano wadzo wekupera kwegore kuMasvingo.

Mumiriri weGlen View North, VaFanni Munengami, vati zvakaipa chose kuti nhengo dzeparamende dziite zvinhu nechimbi chimbi asi paive nemukana wekuzeya bhajeti gore rapfuura.

Asi dzimwe nhengo dzedare iri dzakaita saVaJoseph Chinotimba veZanu PF dzati hadzione chakashata pakuti paramende igare kwenguva yakareba ichizeya bhajeti.

VaChinamasa vati nhengo dzedare iri dzakava neguva yakareba chose yekuongorora bhajeti kubvira pavakaritura muZvita gore rapfuura uye chavave kuda kunhengo idzi ipfungwa dzavo chete.

Vati nhengo dzese dzichapihwa mukana wekupa pfungwa dzadzo pamusoro pebhajeti ra2017 risati rapasiswa.

Bhajeti ra2017 rinofanira kupasiwa musi wa 31 Ndira sezvo hurumende inenge isisina mvumo yekushandisa mari kana bhajeti risati rapaswa musi wa31 Ndira.

Zvichakadai, mumuriri weWarren Park muNational Assembly, VaElias Mudzuri, vatiwo hurumende inofanira kujekesa mutemo wemaBond Notes vachiti pari zvino vezvitoro vari kuisa mitengo yakasiyana siyana pavanhu vanotenga nemaBond Notes kana madhora ekuAmerica kana kushandisa makhadhi.

Asi vamwewo vakaita saAmai Sarah Mahoka vekuHurungwe East vanoti maBond Notes akanaka chose uye vatenda hurumende nekuunza mari iyi.

Mutemo weRBZ Act uri kusandurwa kuti utambire kushandiswa kwemaBond Notes.

Mari iyi yakatanga kushandiswa gore rapfuura pachishandiswa mutemo Statutory Instrument uyewo panodiwa mutemo weparamende kuti arambe ichishanda zviri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG