Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeHuori Yozeyiwa Amai Mildred Chiri Vachirumbidzwa Basa Ravo


Auditor-General Amai Mildred Chiri
Auditor-General Amai Mildred Chiri

Komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari dzeveruzhinji kana kuti Public Accounts Committee inoti haisi kufara nemari inopihwa hofisi yemukuru anoferefeta mashandisirwo emari mumapazi ehurumende kana kuti Auditor General ichiti izvi zviri kuita nyika itadze kunyatsorwisa huori.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau wekuongorora zvakabuda mugwaro raAuditor General gore rapera, uyo wanga wakarongwa nesangano reSouthern African Parliamentary Support Trust, nhengo yekomiti iyi uye vari mumiriri weKambuzuma muparamende, VaWillias Madzimure, vati bazi rezvemari rinofanira kupa hofisi yaAuditor General mari inoikwanira kuti iite basa rayo zvakanaka.

VaMadzimure vati kunyange hazvo vari kufara nebasa riri kuitwa naAmai Mildred Chiri nevamwe vemuhofisi mavo, pane mapazi ehurumende akawanda asiri kunyatsoongororwa mafambisiro aanenge achiita mari izvo zvinoita kuti pave nemukana wekuitwa kwehuori.

Sachigaro weAfrican Parliamentary Network Against Corruption, Amai Priscilla Miscilla Misihairabwi Mushonga, vatiwo havasi kufara nehupfumi hune dzimwe nhengo dzeparamende hwavanoti hwakawanikwa zvisina tsarukano vachiti mutemo unofanira kusimbiswa kuitira kuti nhengo dzeparamende dzibude pachena nguva nenguva kuti dzine hupfumi hwakadii.

VaMadzimure vatiwo Zimbabwe inofanira kuti ishandise mutemo weUnited Nations unorwisa huori kana kuti UN Convention against Corruption, woshandiswawo munyika.

Vatiwo panofanirwa kuumbwa mutemo unochengetedzawo veruzhinji vanenge vanyeura zvakaipa zvinenge zvichiitika vachiti vanenge vachida kunyeuranyaya dzehuori nedzimwewo nyaya vari kutya kubuda pachena sezvo vasina kuchengetedzwa nemutemo.

Nhengo yeZanu PF inomirira Chikomba Central, VaFelix Tapiwa Mhona, uye vari nhengo yekomiti yePublic Accounts vatiwo dare repamaramende rinofanira kupiwa masimba akawanda kuti rite basa raro nemazvo vachiti pari zvino dare iri rakangofanana nembwa isina mazino.

Gwaro rakaburitswa nehofisi yaAmai Chiri rakaburitsa kuti pane kusafambiswa kwemari kwakawanda kwakaitika mumapazi akawanda ehurumende. Mutumngamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo yakazvipira kurwisana nehuori uhwo hunonzi hwatekeshera muhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG