Accessibility links

Breaking News

Hurumende dzeMatunhu Dzotarisirwa Kutanga Kushanda Gore Rinouya


VaRobert Mugabe
Munyori webazi rezvematunhu, VaKillian Mpingo, vanoti bazi ravo rakapedza kunyora mutemo uchaita kuti hurumende dzematunhu dzitange kushanda.

Vanotiwo vanotarisira kuti hurumende idzi dzichatanga kushanda mukutanga gwegore rinouya.

Vachipa humbowo kukomiti yeNational Assembly inoona nezvematunhu, VaMpingo vati hurumende idzi dzinotofanira kutanga kushanda sezvo kusavepo kwadzo kuri kutyora bumbiro remitemo uenyika iro rinosungira kuumbwa kwehurumende idzi.

VaMpingo vati chasara chete kuti mutemo wavakanyora upasiswe nedare remakurukota usati waunzwa kuparamende.

Vatiwo mutemo uyu uchaburitsa mashandiro achange achiita hurumende idzi, kuti dzichapinza vanhu basa sei, pamwe nekuti dzichange dzichidyidzana sei nemamwe mapazi ehurumende.

Hururmende dzematunhu eHarare neBulawayo dzinenge dzichitungamirwa nemameya emaguta maviri aya.

Asi mune mamwe matunhu hurumende idzi dzichatungamirirwa nemunhu achavhoterwa kubva kuvanhu vaviri vanenge vadomwa nebato rakawana mavhoti akawanda mumatunhu aya.

Nhengo dzeNational Assembly neSenate kubva kumatunhu aya dzinenenge dziriwo nhengo dzehurumende dzematunhu.

Zvichakadai, VaMpingo vatiwo bazi ravo haripi madzishe motokari pachena asi kuti rinovabatsira kutenga mototokari rozovabatira mari pamihoro yavo.

Zimbabwe ine madzishe mazana maviri nemakumi manomwe nevaviri avo vanotambira mazana matatu emadhora pamwedzi.

Munyika mune masadunhu mazana mana nemakumi mashanu nemaviri ayo anotambira madhora zana nemakumi mana emadhora pamwedzi.

Kozotiwo masabhuku ari munyika yese zviuru makumi maviri nezvishanu uye vanotambira madhora makumi maviri nemashanu pamwedzi.

Mune imwewo nyaya, VaMpingo vazivisa kuti dare remakurukota rakatarasirwa kuzeya zvakabuda muongororo yekuvakwa kwedzimba zvisiri pamutemo munzvimbo dzakaita seSeke neChitungwiza pasati patorwa danho rekuputsa dzimba idzi.

Vati chinangwa chehurumende ndechekuda kuti vanhu vatevedze mitemo yemakanzuru ari munzvimbo dzavanogara uye vachaputsirwa dzimba vachapihwa pekugara pekuvakira pakakodzera.

Hurumende yaifanira kuparura chirongwa chekuputsa dzimba, nezvimwe zvivakwa zvakavakwa zvisina mvumo kana munzvimbo dzisangabvumidzwe mwedzi wapera.

Asi yakazomisa chirongwa ichi mushure mekuchema chema kweveruzhinji nemasangano anorwira kodzero dzevanhu.

Veruzhinji nemasangano aya vaityira kuti chirongwa ichi chaigona kusiya vakawanda vasina pekugara sezvakaitika muna 2005 apo hurumende yakaita chirongwa chakaita seichi, cheOperation Murambatsvina, icho chakasiya vanhu vanodarika mana manomwe ezviuru vasina pekugara.
XS
SM
MD
LG