Accessibility links

Breaking News

Paramende Inozeya Bumbiro Idzva reMitemo yeNyika


Nhengo dzedare reSeneti neHouse of Assembly dzatsigira neChitatu kunyorwa kwakaitwa bumbiro idzva remitemo yenyika rakanyorwa nekomiti yeparamende yeCOPAC dzichiti gwaro iri rakanyorwa nevanhu nekudaro rinofanira kuendeswa kuvanhu nekukasika kuti varitambire.

Vachitura gwaro reCOPAC muparamende, VaDouglas Mwonzora veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vati hurongwa hwavo hwaisanganisira veruzhinji uye hwakaburitsa bumbiro rinofadza munhu wese.

VaMwonzora vati bumbiro iri rinofanira kuendeswa kuvanhu nechimbichimbi kuti vanoritambira nekuti nderavo.

Mamwe masachigaro eCOPAC akabata basa iri naVaMwonzora, VaPaul Mangwana veZanu PF naVaEdward Mkhosi veMDC inotunamirwa naVaWelshman Ncube,
vatendawo vanhu vemuZimbabwe nemoyo murefu wekumirira bumbiro idzva vakati ivo nekomit yavo vanofarawo chose nekukwanisa kuvanyorera kwavakaita bumbiro rinovafadza.

VaMkhosi vatenda zvikuru vatungamiriri vehurmende yemubatanidzwa vachiti ndivo vakaita kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chienderere mberi mushure mekuvhiringwa kwachakaitwa nemhirizhonga pamusangano weFirst All Stakeholders Conference.

Mumiriri weMwenezi East mudare reHouse of Assembly, VaKudakwashe Bhasikiti veZanu PF, vati kupedza basa rekunyora bumbiro kwaitwa neCOPAC kunoratidza pachena kuti Zimbabwe inokwanisa kugadzirisa yega nyaya dzayo.

Museneti nhengo dzedare iri dzatiwo kunyange hazvo hurongwa kwenyora bumbiro hwainge hwakaoma, uye pakambove nekupopotedzana, zvinofadza kuti vanhu vakazobatana vakabudirira pachinangwa chekunyora bumbiro idzva.

Gurukota rinoona nezvevanhukadzi, Amai Olivia Muchena veZanu PF, vatiwo vanotarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvicharamba zvakabatana semabataniro azvakaita pakunyora bumbiro.

Amai Muchena vakurudzira veruzhinji kuti vaverenge nekunzwisisa bumbiro idzva iri.
Nhaurirano pamusoro pegwaro reCOPAC dzichaenderera museneti neChina.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG