Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mari Dziri Kuburitswa Kunze kweNyika Ngadzidzorwe


[American dollars]
[American dollars]

Hurumende inofanirwa kutaurirana nevanhu vakaburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo kuitira kuti vadzore mari iyi munyika sezvo kusunga vanhu ava kusina zvakunobatsira.

Hurumende inofanirwa kutaurirana nevanhu vakaburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo kuitira kuti vadzore mari iyi munyika sezvo kusunga vanhu ava kusina zvakunobatsira.

Mashoko aya ari kuburitswa nenyanzvi munyaya dzehupfumi zvichitevera kubuda kwenyaya dzePanama Papers dziri kuburitsa chikiribidi chiri kuitwa mukuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, inoti nyika iri kurasikirwa nemabhiriyoni maviri emadhora ayo ari kuburitswa munyika zviri kunze kwemutemo uyewo pane humbowo hwakaburitswa mumagwaro ePanama Papers hunoratidza pachena vamwe vevanhu nemakambani aiburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vaimbove muridzi weKingdom Bank, VaNigel Chanakira, vanoti mari yakaburitswa munyika yakawandisa zvekuti RBZ nehurumende zvinofanira kutsvaga nzira dzekuti mari iyi idzorwe munyika.

VaChanakira vanoti Zimbabwe iri kunetseka chose nekushaya mari uye inofanira kugadzirisa nyaya iyi nehungwaru.

VaChanakira vanoti mari iyi inokwanisa kushandiswa kusimudzira hupfumi hwenyika kana ikadzoswa munyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, muzvinafundo Ashok Chakavati, vanoti zvakanaka chose kuti hurumende itaure nevanhu vakaburitsa mari kunze kwenyika uye hapana chingatadzisa RBZ nehurmende kuita izvi sezvo zvakaitwa nedzimwe nyika dzakaita sana Nigeria.

Asi mukuru wesangano reAfrican Leadership Covention, VaDavison Gomo, vaudza Studio7 vati kunyangwe hazvo vachitsigira kuti mari yakaburitswa idzorwe, RBZ inofanira kuvhara nzira dzose dzinoburitswa nadzo mari zviri kunze kwemutemo.

VaGomo vanotiwo zvakakokosha kuti mitemo yenyika itevedzwe vachiti zviri kuitika zvinoburitsa pachena zvinoitika kana nyika isangatevedze mitemo.

Mukuru weReserve Bank, VaJohn Mangudya, vanoti nyika iri kurasikirwa nemabhiriyoni maviri emadhora gore rega iyo vanoti inoburitswa zviri kunze kwemutemo.

Asi VaDenford Mutashu veConfederation of Zimbabwe Retailers vanoti zvinoshamisa kuti mari yakawanda kudai ingaburitswe munyika pasina zviri kuitwa nebhanga guru, hurumende kana vanoona nezvemitemo.

Vatiwo iyi inyaya inofanira kuongororwa zvakadzama potorwa matanho ekudzora mari iyi pamwe nekudzivirira kuti izvi zvisaitike zvekare.

Kunyange hazvo VaMangudya vasina kubuda pachena kuti vachataurirana nevanhu vanonzi vakaburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo, vati mapurisa ave kutoongorora dzimwe nyaya dzekuburitwa kwemari munyika.

Vatiwo zvinosuwisa kuti vamwe vemabhizimisi havachina kuvimbika uye ndivo vevamwe vari kuburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo.

Vatiwo kunyange hazvo imwe mari yaiburitswa pachishandiswa mabhanga, vane humbowo hwekuti pane imwe kambani yavasina kudoma yakaburitsa mamiriyoni makumi maviri emadhora iri musvo nepaBeitridge Border Post munguva pfupi yapfuura.

Studio7 yaburitsa nyaya mbiri kubva muPanama Papers dzinobata kambani yeZimplats iyo inonzi yakaumba kambani yeHR Consultancy kuBritish Virgin Islands kuitira kuti ibhadhare mamaneja ayo.

Asi Zimplats inoti haina kuumba kambani iyi.

Imwe nyaya inobata vakuru vaviri veInnscor Africa, Va Zinona Koudounaris naVa Michael Fowler, avo vakaumba makambani mana ekuchengetera mari dzavo mhiri kwemakungwa.

Gweta revaviri ava, VaAddington Chinake, vanoti hapana mutemo wakatyorwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti timwe divi ravo panyaya iyi.

Makore mashonana apfuura RB panguva yaVaGideon Gono yakasungisa vanamuzvinabhizimisi nevemabhanga vakawanda nenyaya yekuburitsa mari munyika zviri kunzwe kwemutemo asi hapana kana mumwe wavo akaenda kujeri sezvo nyaya dzavo dzakaraswa nematare edzimhosva.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG