Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nemagariro evanhu dzinoti nyaya dze Panama Papers munongedzo mukuru pazvinhu zvisiri kufamba zvakanaka munyika.
Nyanzvi idzi dzinoti mari dziri kuvigwa kunze kwenyika dziri kuita kuti zvinhu zviomere veruzhinji, vakapfuma vachiramba vachizvimba matumbu nekugarika.
Mashoko aya anotevera kuburitswa kwemazita evanhu vemuZimbabwe vari Panama Papers vachipomerwa mhosva yekuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo.
Chipangamazano musangano re Trust Africa, Va Briggs Bomba, vanoti kunyange hazvo mazita evakuru vakuru muhurumende asiri mumagwaro e Panama Papers, vane chokwadi kuti pane vanhuwo zvavo vari kushandiswa nevakuru ava kuburikidza nekushandiswa kwemazita avo mukuviga mari idzi kunze kwenyika.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Va Rueben Tendai Mbofana, vanoti veruzhinji vanofanirwa kupinda mumigwagwa vachiratidzira kusafara nekuurayiwa kuri kuitwa nyika yavo.