Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voshora VaMugabe Zvichitevera Kuenda Kwavo Kunorapwa kuSingapore


VaMugabe
VaMugabe

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ari kushora zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nekuramba kwavo vachishandisa mari yekunze kunorapwa kuSingapore panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko remari.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwemashoko nehurumende ekuti VaMugabe, avo vanogarorapwa kunyika iyi, vakabuda neMuvhuro vachinorapwa kuSingapore.

Asi izvi hazvina kufadza vakawanda munyika kusanganisira vePeople’s Democratic Party avo vanoti zviri kuitwa naVaMugabe kutambisa mari yenyika.

Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti VaMugabe vanofanira kugadzirisa zvipatara zvemunyika kwete kuswerofamba nenyika dzepasi rese vachinorapwa asi munyika mune zvipatara.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vatiwo hapana chichashamisa pamaitiro aVaMugabe uye zvinongoreva chete kuti havavimbi nezvipatara zvemunyika.

Vanotungamirira sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union, VaObert Masaraure, vatiwo zviri pachena kuti VaMugabe ava munhu mukuru anoda kugara achiongororwa nanachiremba.

Asi vati izvi zvinofanira kuitwa munyika kwete kuenda kunze kwenyika.

Vati VaMugabe vanofanira kurapwa muno sezvinoitwa neveruzhinji.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu, VaTerry Mutsvangwa, vati kuita kwaVaMugabe kunoshamisa vachiti kana Zimbabwe yakabudirira sekutaura kwavakaita kuSouth Africa svondo rapfuura, VaMugabe vanofanira kurapwa munyika.

Svondo rapfuura, VaMugabe vakaudza musangano weWorld Economic Forum kuSouth Africa kuti Zimbabwe imwe yenyika dzakabudurira zvikuru muAfrica.

Asi veruzhinji vanoti VaMugabe pachavo vanozviziva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika ndosaka ivo nemhuri yavo nevakuru vakuru muhurumende yavo vachirapwa kunze kwenyika.

Svondo rapfuura chairo, vaive mutongi mukuru wematare, VaGodfrey Chadyausiku, vakafira kuSouth Africa uko vakange vaenda kunorapwa.

VaMugabe vanotarisirwa kudzoka mukupera kwesvondo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG