Accessibility links

Breaking News

Bato ReZIPP Rinoti Vanhu Vari Kutyisidzirwa kuMaruwa


Nhengo dzebato reZimbabwe Partnership for Prosperity, ZIPP
Nhengo dzebato reZimbabwe Partnership for Prosperity, ZIPP

Bato rinopikisa reZimbabwe Partnership for Prosperity, ZIPP, iro riri kuita misangano nevatsigiri varo kumaruwa, rinoti nyaya dzekutyisidzirwa nemasabhuku mune mamwe matunhu dzatanga zvakare gore rino.

Vachitaura nhasi pamusangano wavo waitirwa pachikoro cheMapinga mudunhu reMashonaland West, mutungamiri webato iri, Doctor Blessing Kasiyamhuru, vati kutanga gore rino nhengo dzavo dziri kutyisidzirwa nemasabhuku dzichinzi masoja acharova vanhu vose vanenge vaenda kumisangano yavo.

Doctor Kasiyamhuru vati kuita uku kunovakanganisa sebato sezvo munhu ayine kodzero yake yekusangana nevanhu vaanoda.

Izvi zvatsigirwa nasachigaro wedunhu ranga richiitirwa musangano wanhasi VaTakaedza Mhembere avo vati vainge vakokawo sabhuku pamusangano wavo asi iye akatora mukana uyu kurambidza vanhu kuuya kumusangano achishandisa zita remasoja.

VaMhembere vati masabhuku havasi kunjinja pamaitiro avo akare.

Doctor Kasiyamhuru vaudza nhengo dzebato ravo pamusangano wanhasi kuti vatsvage vatsigiri vasingaite mhirizhonga pamwe nekukudza munhu wese, zvisineyi kuti anotsigira bato ripi. Hatina kukwanisa kunzwa divi remasabhuku kanawo mauto panyaya iyi.

Zvichakadaro mune imwewo nyaya nhengo dzebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakati dzinotsigira hurongwa hwekuti VaTsvangirai vatungamire mapato emubatanidzwa zvisineyi nehutano hwavo hunonzi hahunakumira zvakanaka.

Vachitaura pakupera kwemusangano wavakaita nezuro pamahofisi avo muChinhoyi, mukokeri wemisangano VaWilson Makanyaire vakati dunhu ravo rinotsigira hurongwa hwemubatanidzwa.

Izvi zvinotsigirwa nasachigaro webato mudunhu, VaMagunje, avo vanoti kunyange paine vamwe vanhu vari kuti mamwe mapato ari mumubatanidzwa haana vanhu, bato rega rega rinouya nehunyanzvi hwaro vasiri vanhu chete asi pamwe vanenge vaine maitiro ekukwezva vanhu akanaka.

Kunyange paine vamwe vanhu vari kuti hutano hwaVaTsvangirai hahuite kuti vatungamire mubatanidzwa wemapato, vakawanda vari mumubatanidzwa uyu vanoti vanomira naVaTsvangirai musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG