Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Opinda Mumaruwa Akasununguka


Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume

Mapato anopikisa anoti kusiya basa kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kwaavhurira mukana wekutsvaka rutsigiro kumaruwa murunyararo, pasina anokonzeresa mhirizhonga sezvaiitika kare.

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti pari zvino vari kukwanisa kuita misangano yavo vakasununguka kumaruzevha kunyange hazvo pachine kutya muvanhu.

VaNgarivhume vanoti panguva yehutongi hwaVaMugabe misangano yezvematongerwo enyika iyi yainetsa kuita sezvo nguva zhinji vainyimwa mvumo nemapurisa yekuungana.

VaNgarivhume vanotiwo kunyange masabhuku aivapomera mhosva yekushandiswa neZanu PF kuita zvido zvebato iri, vanoti havasi kunzwisisa kuti vofamba sei mushure mekugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa.

"Nemasabhuku zvakare, havana clear cut instruction yekunzi rambidzai MDC sezvavaipihwa kare. Saka vanhu havasi kunyatsokuziva kuti chii chiri kuitika. Saka kumaruzevha kuri kupindika," vadaro VaNgarivhume.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanoti vari kukwanisa kupinda muvanhu kumaruwa vachinotaura nyaya yekunyoresa kuvhot, " vadaro VaNgarivhume.

VaChihwayi vanotiwo vane tarisiro yekuzonosangana nemutungamiriri mutsva wenyika semapato anopikisa kuti vaite nhaurirano dzesarudzo dzejekerere.

Mutevedzeri wasachigaro mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaMorgan Komichi, vanoti kunyange hazvo kumamisha kuri kupindika, vanhu vachiri kutya huye kunofanirwa kuita zvirongwa zvekugadzirisa dambudziko iri.

"Saka ikozvino ukaenda kumaruzevha, element ye fear ichiripo. Hakuna kana munhu aive nemutemo..Mapurisa aitotyawo. Kutya ikoko kunofanirwa kugadziriswa," VaKomichi vanodaro.

Sachigaro wesangano rinoongorora mhirizhonga rakazvimirira reZimbabwe Peace Project, VaOkay Machisa, vanotiwo semasangano akazvimiririra vari kutarisira kuti hurumende yaVaMnangagwa ichinje itendedze vamwe vemapato kunotsvaka rutsigiro.

Asi VaMachisa vati chimwe chakakosha kubvimidzwa kwemapato anopikisa, kutsvakawo rutsigiro vachishandisa nhepfenyuro nezvivhitivhiti zvehurumende.

Vachitaura pakugadzwa kwavo, VaMnangagwa vakavimbisa runyararo munyika huye vakavimbisa sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG