Accessibility links

Breaking News

VaNkosana Moyo Vanoita Musangano neVatsigiri Vavo kwaMutare


Nkosana Moyo
Nkosana Moyo

Mutungamiri webato rinopikisa reAlliance for People’s Agenda, APA, Doctor Nkosana Moyo, vayambira vatsigiri vebato ravo kwaMutare kuti vasarudze chete vatungamiri pakati pavo vanokwanisa kuita zvido zvevanhu, uye vanozivikanwa nekugona kuita basa.

Vachitaura kuvatsigiri vebato ravo maMutare, VaMoyo vati veruzhinji munyika ndivo vane masimba ekusarudza vanhu vavanoda kuti vavatungamirire.

VaMoyo, avo vaimbove gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe makore akawanda apfuura, vati vatungamiriri vanosungirwa kusarudzwa munguva yesarudzo dzichaitwa gore rino vanofanirwa kunge vari vanhu vanokwanisa kuita zvinotarisirwa neveruzhinji uye vane kwavakabva kwavanozivikanwa nekugona kuita basa.

"If they come promising you, you can check paHistory kuti vakambozviita here, and if haven’t ask yourself a very simple question, what has changed. What has changed and kana if you keep voting them every five years and keep believing them ivo vasina zvavari kuita you have yourself to blame, why? Inini ndinoziva kuti ndinokwanisa kuita izvi neizvi saka ndinopromisa zvandinogona kwete zvandisingagoni, saka toda vanhu vane track record," vadaro VaMoyo.

VaMoyo vati vatsigiri vavo vakasununguka kuenda kumisangano yemamwe mapato ezvematongerwo enyika uye kutenga makadhi emapato aya kana zvichivachengetedza kubva kumhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vati bato ravo harina zvaro mari asi richakwanisa kumira nevatsigiri varo vanenge vakanganiswa, kurohwa, vakuvara kana kusungwa nekuvatsvagira magweta.

Asi vayambira vatsigiri vavo kuti vasazviisa mumukanwa mamushore vakavhura meso.

"Kana Zanu (PF) ikauya muno ichiti huyai kurally go to the kurally vakauya vachiti tengai Zanu card, buy the card if it protects you, i don’t care it’s not any of these things that counts but how you vote, play smart!)

VaMoyo vashora danho rakatorwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yekuenderera mberi nekutengera madzishe zvikakarara zvemotokari vazhinji munyika vachiyaura nenhamo.

"Zvipatara zvedu hazvina mishonga, mvura yekuHarare yakasviba isina treatment ine sewage inokwanisa kuuraya vanhu, asi tinotora mari tichitengera madzishe motokari, vana vadiki maZero Grades vachifamba malong distances kusina mabuses, tiri kuita seyi, tiri kutora mari $70million tichivaka new parliament, tiri kuzvifambisa seyi apa? Prioritisation yedu haina kumira zvakanaka apa zvinhu zvatinofanira kugadzirisa," VaMoyo vatsanangura.

VaMoyo varamba vakamira nemashoko avo ekuti bato ravo harizi kuzopa ma-T-Shirts kuvatsigiri vavo sezvo zvichipa mvongamupopoto sezvinoitika kumamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Vati bato ravo harina mari yekuvhura mahofisi mumatunhu ose kana kutenga motokari dzekushandisa pakukambena asi hutungamiriri hwekubva pa-Cell kusvika kumusoro huchange huchibata basa sezvinodiwa kuti vakunde musarudzo dzegore rino.

Vatiwo vanovimba kuti vachakunda musarudzo idzi vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vanyorese kunovhota muhuwandu hwavo

VaMoyo vati vanotarisira kukunda VaMnangagwa veZanu PF, Amai Joice Mujuru veNational People’s Party vakati hameno kana VaMorgan Tsvangirai ve-MDC- vachikwanisa kukwikwidza nekuda kwehurwere.

Vatsigiri vaVaMoyo vaudza Studio7 kuti vafarira mashoko emutungamirir wavo sezvo ari munhu anomira pachokwadi. Mumwe wevatsigiri ava ndiMuzvare Nyaradzo Chikosi.

Mumwe mutsigiri weAPA ange ari pamusangano, Amai Susan Nyoni, vatiwo vashingiswa nemashoko aVaMoyo ekuti vanhu vasajairire kugoverwa zvemahara panguva yesarudzo asi kuwanirwa mabasa.

Mumwe apinda mumusangano uyu, VaBruce Nyikadzino, vatiwo VaMoyo munhu anomira nechokwadi uye anotaura zvaanokwanisa kuita.

VaMoyo vange vaine hutungamiri hwebato ravo hwedunhu reManicaland hunosanganisira sachigaro webato ravo kuno, Reverand Walter Nyakunu, sachigaro wezvemadzimai, Muzvare Doreen Nyama, mukuru wevechidiki, Va Emmanuel Machikwa, mubati wehomwe, VaGeorge Mundembe, uye chipangamazano Engineer Patrick Chitaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG