Accessibility links

Breaking News

Varwere Voyaura Muzvipatara zveHurumende


Zvinhu zviri kuramba zvichioma muzvipatara zvehurumende zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nana mukoti pamwe navana chiremba.

Vashandi vemuzvipatara ava vanoti vari kuda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende.

Mawadhi akawanda muzvipatara zvikuru zvehurumende ari kuramba achivharwa nekuda kwekushaikwa kwavana mukoti navana chiremba avo vari kuramwa mabasa.

Vamwe vashandi kuChitungwiza Hospital neHarare Hospital vanoti huwandu hwevanhu vari kufa hwawedzera uye vanhu vave kubudiswa muzvipatara izvi kunyange vasati vanyatsopora.

Vachitaura neStudio7 muHarare vana mukoti varatidza hukasha hukuru vachiti vaneta nekubatwa kumeso nehurumende iyo vanoti kuvatarisira pasi.

Kunyange hazvo vari kunyunyuta nemabatirwo avari kuitwa, vana mukoti ava varatidzawo kuti vanotya zvikuru kutaura nevatori venhau, vachityira kurasikirwa zvachose nemabasa avo.

Mumwe wevanamukoti ava, uyo aramba kuburitswa zita rake, ati kunyange vachikoshesha hupenyu hwevarwere, hupenyu hwemhuri dzavo huri parumananzombe sezvo hurumende iri kutadza kugadzirisa zvichemo zvavo.

Mukoti uyu atiwo vari kuda mari dzavo iri mari, kwete zviri kurongwa nehurumende zvekuvapa nzvimbo dzekuvakira dzimba, izvo vasiri kuwirirana nazvo.

Mumwe mukoti atiwo pamusoro pekusabhadharwa zvinovagutsa, kushaikwa kwezvekushandisa muzvipatara zvavanoshandira, zviri kuvashungurudza zvikuru sezvo vari kurasikirwa nevarwere vanofanirwa kurapwa vachipora.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vatiwo hurumende ine chiga chekuchengetedza hupenyu hwevanhu. VaDongo vati hurumende inofanirwa kukoshesa vana mukoti kuitira kuti vaite basa ravo nemazvo.

Vanamukuti vari kuramwa mabasa panguva iyo vana chiremba vave nemazuva gumi nemashanu vachiramwawo mabasa.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Dr Edgar Munatsi, vashora zvikuru hutungamiri hwebazi rezveutano. VaMunatsi vati hupenyu hweveruzhinji huri kurasika zvisina tsarukano.

VaElasto Mugwadi vanotungamira sangano reZimbabwe Human Rights Commission. VaMugwadi vati vanoshushikana zvikuru nebopoto rasiya kodzero yehutano iri panyanga dzamushore.

VaMugwadi vati vanyorera maboka ose kuti akurumidze kugadzirisa kunetsana kuri pakati pawo kuitira kuti hupenyu hwevanhu husarambe huchirasika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende. Hapasati pava neruzivo rwekuti vanhu vangani varasikirwa nehupenyu hwavomuzvipatara zvehurumende kuburikidza nekuramwa mabasa uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG