HARARE —
Zimbabwe Footballers Association kana kuti Zifa inonzi yapa murairidzi wemaWarriors Callisto Pasuwa chibvumirano chekuti ashande kwemakore matatu achirairidza chikwata ichi.
Pasuwa audza Studio 7 kuti achiri kuongorora chibvumirano ichi. Zvichakadaro, chikwata cheZimbabwe chiri kuenderera mberi negadziriro yacho yemakwikwi e Caf African Nations Championship (Chan) ari kutambirwa kurwanda mwedzi unouya kutanga musi wa16 kusvika musi wa 17 Kukadzi.
Zimbabwe iri muGroup D pamwe neZambia, Rwanda neUganda.